Chibage chekugocha chitubu chemari

03 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Chibage chekugocha chitubu chemari VaGodfree Magavu veSeed Co (kuruboshwe) pamwe nemurimisi weAgritex Muzvare Mhike (vane nguwani vechipiri kubva kurudyi) vachidzidzisa varimi nezvegorosi.

Kwayedza

Godfree Magavu

VARIMI vemadiridziro ekwaRupike, mudunhu raMambo Nyajena, kuMasvingo voita madanha pamwe nekunzwa manyukunyuku vachirima mbeu dzakauchikwa nekambani yavo yeSeed Co idzo dzavanoti vanodada negoho rinobuda padziri.

Izvi zvichibva pamiguri mirefu yekugocha kusvika pakukohwa vachinogaisa, uye vanoti mbeu dzeSeed Co hadzinyanyobatwa nezvirwere zvemashizha.

Varimi ava gore negore vanotenga mbeu dzavo vakabatana mumwedzi waChikumi, voita gadziriro yakakwana muminda vachibatsirwa nevarimisi vavo, vobva vazotanga kudyara chibage chekugocha pamwe chete mumwedzi waNyamavhuvhu apo vanenge vakatarisira kuzozvimbisa homwe dzavo nemari mumwedzi inoti Gumiguru naMbudzi.

Baba naMai Mazodze vachitarisa makonye pambeu yavo.

Mushure mekutenga mbeu dzokudyara munda unoita mahekita makumi maviri, varimi vakawana mukana wezvidzidzo kubva kuvarimisi veSeed Co pamwe nevekubazi rezvekurima, veAgritex.

Seed Co yakarairidza madyarirwo akanaka anoita kuti mbeu dzimere dzose dzigokura zvakanaka, mhando dzese dzemafetireza dzinodiwa nemaisirwo acho uye nguva yekuisa fetireza idzi, mishonga yekuuraya gonye ranetsa muchibage zvekare nenguva yekuisa mishonga yacho.

Mukuru wevarimisi (supervisor) mudunhu reNyajena, VaTinashe Chirambadare vakatorawo mukana uyu kurairidza varimi kuti vatenge mbeu vakabatana. “Varimi tengai mbeu dzinoenderana nemadiridziro dzakaita seSC529, SC659 kana SC727 dzinova dzinotapira uye dzinotsvukirira pakugocha. Mukatenga muri chikwata munovigirwa neveSeed Co pachena  uye zvinokuderedzerai dambudziko rekurima  mbeu dzinopendwa nematsotsi idzo dzisingazomere zvakanaka zvinova zvinozoderedza goho renyu.”

Varimi veRupike vachitenga mbeu dzavo SC727

Mune chimwe chikamu varimi vakawana zvakare mukana wekudzidziswa nezvechirimwa chemhando yegorosi chavakarima SC Select neSC Nduna kuti vasarasikirwe negoho pakukohwa uye pakuzonorichengetedza kumatura avo.

Mumwe wevarimi ava, Netsai Chirambira anopupura kunaka kwembeu dzavanorima achiti, “Isu sevarimi vemadiridziro ekwaRupike, tinorima mbeu yegorosi yakauchikwa kubva kukambani yeSeed Co gore negore nekuti hadzingobatiri zvirwere nhando, dzine goho rinotifadza kana tadzishandira nemazvo uye varimisi veSeed Co vanoteverera mbeu dzavo vachidziona pamwe nekutirairidza kusvika patinozokohwa. Pakubika chingwa, upfu hwegorosi reSC Select hunofuta zvinofadza uye chingwa chacho chinonyatsonaka.”

VaGodfree Magavu veSeed Co (vane hembe yeblue) pamwe nemurimisi weAgritex Muzvare Mhike (vane nguwani yegreen) vachidzidzisa varimi nezvegorosi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey