Chibage chinyoro chitubu chemari

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Chibage chinyoro chitubu chemari Fire Crecker SC 608 paKent Estate iri kuNorton, kuMashonaland West

Kwayedza

Philip Matombo
TINOKUKWAZISAI varimi pachirongwa chatinodzidzisana kurima navasahwira venyu weSeed Co. Chinangwa chiri chekuti bhizimisi redu rekurima rifambe zvakanaka nyika yedu ichiguta.

Svondo rino tichakurukura nezvekurima chibage chemuchirimo (green mealies) sezvo chando chava kuzonopera. Vakuru vakati papinda badza hapanyepi uye apunyaira haashayi misodzi. Saka kuvarimi  vane madiridziro tinokukurudzirai kuti murime chibage ichi sezvo chiine mukana wekukupai mari yakawanda kunyanya ukagona kusarudza mbeu yakanaka nekuchirima nemazvo uye nenguva.

SeSeed Co, pedu takasakura tikazunza pakukuuchikirai mbeu dzinoita miguri mihombe isinganetsi pakutengesa kumusika  uye dzichitapira pakudya seSC 727, SC 719, SC 659 neSC 529. Mbeu idzi ndedzechibage chichena (white) uye SC 608 neSC 402 imbeu dzechibage cheKenya (yellow).

Chibage chemuchirimo hachiwanzonetsa kutengesa sezvo vanotenga vachiuya kumunda votokutengera iwe wosara homwe dzichiremerwa nemari.

Mbeu inonzi SC 727 ndinofunga varimi munotenderana nesu kuti inoita zimuguri hombe zvekuti kana sukasvika nacho pamusika, dzimwe mbeu dzinotombomira kutengwa iwe wotengerwa wotodzoka vava nemari kumba. Imbeu inotitorei mazuva akati wandei pane dzimwe asi musaitya nekuti mazuva ayo ekuti igocheke haanyanyi kusiyana nemazuva anodarika 10 nembeu dzeShumba dzakaita seSC 608 neSC 659.

Iko zvino mbeu iyi yashura mare kuvarimi ndokusaka kudaidzwa zita remadunhurirwa rekuti Casa Banana nekuda kwekutapira pakudya nekukura kwemiguri.

Tinewozve mbeu yeKenya (yellow) inonzi SC 608 inova yanetsa pamusika kwemakore. Yakazopihwa zita rekuti Fire Craker mushure mekuona kuti kana uchigocha chibage ichi chinoputika semaputi, chakapfava uye chinotapira. Saka pamusika unongonzwa kuti Fire Craker yauya kana wasvika nacho izvo zvinoita kuti chisanetse kutengesa kunyanya kana wachirima zvakanaka.

SC 608 imbeu inoita miguri mihombe inotapira pakudya uye ukaityora nhasi mangwani chibage chacho chinenge chichingotapira uye inopa murimi mazuva akati wandei isati yaoma mumunda ichitengeseka segreen mealies. Ndokusaka tichiti, “Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co, Seed Co Murigadzose!

Tinokurudzira varimi kuti mutange kudyara chibage ichi kupera kwaNyamavhuvhu chando chichangopera asi kunzvimbo dzakafanana neMuzarabani kana Middle Sabi chibage chinorimwa nguva dzose. Izvi zvinoitirwa kuti kana kuchitonhora, chibage hachikuri, miguri yoita midiki kunyange tikachipa kudya kwakadii.

Munguva yechando chibage chinowanzobatwa nechirwere cheMaize Streak Virus (MSV) saka zvisinei nekuti imbeu ipi, tengai mushonga unonzi Gauco  kana Cruiser mousanganisa nembeu musati madyara kudzivirira chirwere ichi. Chirwere ichi chinochenurutsa mashizha chimwe chibage chototadza kubereka miguri inotengeseka.

Kuti tiwane miguri inotengeseka yakawanda uye tisanetseke pakutengesa chibage chedu chichinzi nevatengi chidoko pamusoro pekusarudza mbeu yakanaka tinokukurudzirai kuti musanyanya kubatanidza chibage ichi pakudyara. Dyarai madzinde ari pakati pe36 000 kusvika 40 000 pahekita. Semuenzaniso, mukadyara 90cm kubva pane mumwe mutsara kuenda pane mumwe mozoti 30cm kubva pane rimwe dzinde kuenda pane rimwe munowana 36 000 madzinde pahekita.

Chibage chakafaranuka chinokupai miguri mihombe inomhanyirwa nevatengi. Ukawanza madzinde pahekita unowana chibage chakawanda asi chinonetsa kutengesa sezvo miguri yacho inozoitawo midiki. Vakuru vakati akuruma nzeve ndewako.

Chibage chamera mavhiki maviri kana matatu ngationgororei kuti gonye riya rinonzi Fall Army Worm harimo here toriuraya richiri diki nekuti kana rakura rinotivirira kumishonga. Mimwe yemishonga inouraya gonye iri inonzi Super dash, Blast Super nechero mushonga une active ingredient yeEmmamectin Benzoet. Zviri nani kudzivirira pane kurapa.

Tichibatsirwa nebandiko reHurumende reIrrigation, ngatirimei panoenderana nehuwandu hwemvura yatinayo mungava mudhamu kana mumugodhi. Izvi zvinotibatsirawo kuti tiwane mukoho wakanaka uye mvura isatiperera chibage chichiri kukura.

Mbeu idzi dzava kuwanika mumaSeed Co depots nyika yose.

Philip Matombo mudhumeni weSeed Co uye mubatei pa 0772572497

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey