Chibuku Super Cup yadzoka

22 Sep, 2021 - 09:09 0 Views
Chibuku Super Cup yadzoka

Kwayedza

Abel Ndooka

PREMIER Soccer League (PSL) razivisa nezvekudzoka kwemitambo yeChibuku Super Cup iyo ichasimudzira nemusi weChitatu svondo rinouya apo zvikwata zvose zviri mumapoka zvichabandana mumitambo yekurwira mukombe uyu.

Mitambo iyi ichatanga musi weChitatu 29 Gunyana izvo zvichaona Herentals FC neZPC Kariba zvichizarura mutambo wemuboka reGroup 1.

Musi uyu zvekare, kuboka reGroup 3, Cranborne Bullets ichange iri pamba apo ichasangana neManica Diamond kuchiti Triangle United ichitatsurana neNgezi Platinum.

Nenguva dza1 masikati kuchange kusingadanwe anonzwa kuBulawayo muboka reGroup 2 uko Chicken Inn ichabandana neBulawayo City iyo yangokwanisa kuwana chibodzwa chimwe chete mumitambo mitatu yayatamba.

Mumitambo yezuva iri yemasikati zvakare, Dynamos FC – iyo iri kutungamira muGroup 1 – ichisangana neYadah FC kuchiti FC Platinum yemuGroup 4 ichabandana neWhawha.

MuGroup 3, Black Rhinos ichisanganawo neTenax.

Mitambo iyi ichazoenderera mberi musi weChina apo Harare City FC ichatatsurana neCAPS United mumutambo wemuGroup 1 kuzoti Highlanders ichasangana neBulawayo Chiefs muGroup 2.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey