Kwayedza

. . . chichigonya makumbo

Akafa haacheme: Dr Masuka
VOTAURA pamusoro penyaya yekunzi kune chitunha chemunhukadzi wekuMhondoro icho chakabongomora kuchema, Dr Nyasha Masuka, avo vanova chamangwiza wechipatara cheHarare Central Hospital, vanoti hakuna munhu akafa anochema, kutaura kana kufambisa maoko nemakumbo sezvakaitika izvi kunze kwekunge munhu iyeye ainge akafenda, kwete kufa.

Kuchiti Prophet Tapiwa Freddy vechechi yeGoodness and Mercy Ministries iri kuGlen View, muHarare, vanotiwo zvinonzi zvakaitika izvi mashura.

“Isu tinoti mhuri iyi iuye tiibatsire pachena nekuti vanhu vakafirwa kare, ndiSatani anoda kuratidza masimba ake asi haakunde. Vasara ava vanoda kudzivirirwa,” vanodaro.

Sekuru Charles Ndunge (83) vekuChipinge vanoti mufi akatorwa ari mupenyu nezvidhoma kana kuti zvikwambo, vanhu ndokuzoviga mumvuri asi munhu pasisina.