Chidhakwa chabata-bata mukadzi pachiteshi

19 Apr, 2022 - 14:04 0 Views
Chidhakwa chabata-bata mukadzi pachiteshi

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuBulwayo uyo ane marambadoro akamiswa pamberi pemutongi wedare reWestern Commonage, Shepherd Mnjanja achitarisana nemhosva yekubata-bata magadziko pamwe chete nemazamu emumwe mukadzi pachiteshi chemabhazi pasina kuwirirana.

Samson Dzepasi (35) ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi uye achatongwa achibva kumba mushure mekupihwa bhera.

Dare rinoudzwa kuti nerimwe zuva, Dzepasi (35) akanga akadhakwa ndokutanga kukonzeresa nyonga-nyonga pachiteshi chemabhazi paPick n Pay Hyper iri muBulawayo apo anonzi akabata-bata mumhan’ari.

Mukadzi uyu paakacheuka kuti aone kuti ndiani aimubata-bata magadziko, Dzepasi anonzi akabva amubata-bata zvakare mazamu ake.

Izvi zvakaita kuti mumhan’ari aite hasha ndokutuka Dzepasi uyo anonzi nekushaya nyadzi, akabva ati mukadzi uyu ipfambi.

Mukadzi uyu akabva amhanya kukamba yemapurisa ndokunomhan’ara nyaya iyi, Dzepasi ndokubva asungwa.

Nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi pazviteshi zvemabhazi dziri kuratidza kuwanda sezvo nguva pfupi yadarika, mumwe mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe akakurudzira vakuru vekambani yeZimbabwe United Passenger Company (Zupco) kuti vachengetedze vanhukadzi vasashungurudzwe pazviteshi zvemabhazi.

Mutauriri wesangano reObserve Our Rights Group, VaAcknowledge Mawere vanoti vasangana nemadzimai nevanasikana vakawanda vari kushungurudzwa kunzvimbo dzinokwirirwa mabhazi.

“Kubva mutsvakurudzo yataita kusvika pari zvino, madzimai nevanasikana vari kutiudza kuti nguva zhinji apo vanhu vanenge vachitsikirirana kuti vapinde mumabhazi, vamwe varume vanotora mukana uyu kuvabata-bata miviri yavo,” vanodaro VaMawere.

Vanoenderera mberi vachiti: “Pane nyaya zvakare yemakondakita, vatyairi nemamonitor vari kumanikidza vasikana vechidiki vechikoro kuti vadanane navo kuti vagovawanisa pekugara mumabhazi.

“Zvingave zvakanaka kana Hurumende ikakwanisa kuunza mamwe mabhazi nekuti pazviteshi zveZupco kune vamwe varume vasina tsitsi, vasina hunhu uye vane huwori vari kushungurudza madzimai nevanasikana.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>