Chidhakwa chakavharirwa

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Chidhakwa chakavharirwa

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MURUME wekuenda kudare akadhakwa mushure mekunge amhan’arirwa nemudzimai wake nenyaya yemhirizhonga akazozvidemba apo akakandwa mutirongo achinzi azvidza dare.

Omega Bwezura akasungwa mudare reHarare Civil Court apo zvakaonekwa kuti akange akadhakwa zvichitevera kuendeswa kwaakaitwa kudare iri naPromise Chikwara.

Bwezura akaonekwa kuti ainge akakoriwa nekuda kwematauriro ake uye ainhuwa doro zvakanyanya. Chikwara akaudza dare kuti Bweruza anomushungurudza uye kuuya kubasa kwake achiita ruzha izvo zvava kumutadzisa kushanda zvakanaka.

“Ndinoda gwaro rerunyararo kuti baba ava vasauya kubasa kwangu vachiita mhirizhonga izvo zvava kutonditadzisa kushanda zvakanaka. Zvakare, haadi kuchengeta mwana wake kana chikafu zvacho haatombozive kuti mwana adyei paari ipapa. Zvese ndini ndinoita, kutaura kuno mwana haana gwaro rekuzvarwa nekuti haadi kumutoresa,” anodaro Chikwara.

Achipawo divi rake, Bweruza anoti haaite zvemhirizhonga asi kuti panoshandira Chikwara pedyo nepabhawa paanonwira doro.

“Mukadzi uyu anoshanda pedyo nepandinonwira hwahwa uye ndipo pandinofarira. Handitomboende pedyo naye saka kana achiti ndinoita mhirizhonga handisi kunzwisisa kuti anenge achiti chii,” anodaro. Chikwara anotsinhira kuti paanoshandira pedyo nebhawa.

“Hongu, ndinoshandira pedyo nebhawa asi anotombobva ipapo achiuya kuzondituka pabasa pangu,” anodaro achipopota.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chikwara gwaro redziviriro uye ndokuudza mapurisa kuti asunge Bwezura nekuti ainge azvidza dare nekuuya kwaakaita akadhakwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>