Chidzambwa orapwa muchipatara

01 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Chidzambwa  orapwa muchipatara Misheck Chidzambwa

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu kuchikwata cheDynamos nechikwata chenyika chemaWarriors Misheck Chidzambwa iri muchipatara parizvino umo iri kutarisira kuvhiiwa bundu (lump) iro inonzi yakaita mudumbu mayo.

Misheck ari muchipatara cheCity Med kuChitungwiza umo ari kugara achimirira paachazovhiiwa nemachiremba pazuva risati rave kuzivikanwa.

Muhurukuro neKwayedza nemusi weMuvhuro uno, Sunday “Mhofu” Chidzambwa, mukoma waMisheck anoti muviri wemunin’ina wake wange usiri kuita zvakanaka asi vanoshuvira zvikuru kuti achapora nekuchimbidza.

“Misheck akaonekwa nemachiremba kuti mudumbu make makamera ‘lump’ saka ari kufanira kuvhiiwa nekuchimbidza. Akatovhenekwa akatoonekwa kuti irimo saka takangomirira kunzwa kuti anozovhiiwa rinhi,” anodaro Sunday.

Vatsigiri venhabvu vakawanda uye nevamwe vanhu vanoona nezvemutambo uyu vange vachitumira mashoko ekusimbaradza Misheck.

Vamwe vari kutora danho rekuti vaunganidze mari yekuti arapiswe izvo Sunday anoti zvinofadza kuona hama neshamwari dzichibatana panguva ino apo Misheck ari kusimbirwa nemuviri wake.

“Ndinotenda zvikuru nekubatana uku, vanhu vachibatana nesu panguva ino zvinhu zvakaoma kudai.

“Tinongoshuvira kuti muviri wake usimbe nekuchimbidza uye ndoziva achapora,” anodaro Sunday.

Misheck akaita mukurumbira achitambira  Dynamos FC, Warriors nezvimwe zvikwata zvakasiyana.

Misheck kubva paakasendeka shangu dzake dzenhabvu, akatanga kurairidza mutambo uyu izvo zvakamuona achirairidza zvikwata zvinosanganisira Tanganda, Chapungu United, Sporting Lions, Blue Ribbon uye maWarriors.

Akahwina mukombe weCosafa Cup achirairidza maWarriors mugore ra2000 apo ainge atsiva Clemence Westerhof uyo waakashanda naye ari mutevedzeri wake kwemakore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey