Chidzambwa otaura nezveCovid-19

31 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Chidzambwa otaura nezveCovid-19 Sunday Chidzambwa

Kwayedza

Abel Ndooka

SUNDAY ‘Mhofu’ Chidzambwa anoti anosuwa zvikuru kuona nhabvu yemuno ichitambwa uye pari zvino hapana chinotadzisa kuti mutambo uyu uchidzoswe kana zvikwata zvikatora matanho akakodzera ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mhofu anoti kudzosa nhabvu yemuno isina vatsigiri kunogona kunetsa sezvo zvikwata zvizhinji zvichirarama nemari inobhadharwa nevatsigiri pagedhi vachipinda munhandare.

“Maonero andinoita hapana chinotadzisa kuti nhabvu itambwe ine vatsigiri. Chinongodiwa kuti vanhu vange vakachengetedzeka chete uye vachitevedzera mutemo unodiwa kana vapinda munhandare.

“Kana vatsigiri vakupinda munhandare, vanofanirwa kuongororwa kuti hutano hwavo hwakamira sei, vozorwa sanitizer uye kana vave munhandare vogara vasina kubatana vari kure nekure. Kana vanhu vachida hupenyu hwavo votongotevedzera mutemo nekuti vakautyora zvinogona kukonzeresa kuti vatapurirane hutachiona hwecoronavirus,” anodaro Chidzambwa.

Anoti asuwa zvikuru kuona mutambo wenhabvu.

“Ndasuwa zvikuru nhabvu yemuno, tange takujaira kuona yekuEurope paTV iyo inenge isina vatsigiri wena.

Isu tamirira kudzoka kweyedu,” anodaro.

Anoenderera mberi achikurudzira vatambi vezvikwata zvakasiyana kuti vatevedzere zvirongwa zvekusimbisa miviri zvavari kupihwa kuzvikwata zvavo izvo vari kushandisa panguva ino.

“Vatambi ndinoziva vakapihwa zvirongwa zvekutevedzera vari kudzimba dzavo kuti vagare vakagadzirira kana nhabvu ikazodzoswa.

“Ngavarambe vachitevedzera nekuti ini ndinoona zvakakosha uye zvichizovabatsira mune ramangwana kana nhabvu yadzoswa.

“Anongoterera muviri wake hameno zvake, mukana wekutamba haambouwane,” anodaro Chidzambwa. Mhofu akapedzisira kurairidza nhabvu mugore ra2019 apo akatungamira chikwata chenyika kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations akaitirwa kuEgypt uko maWarriors asina kutamba zvakanaka.

Achibva kumakwikwi aya, akasvika ndokusiya basa rekurairidza chikwata ichi.

Muhurukuro yaakaita neKwayedza nguva yadarika akati haachadi zvenhabvu yemuno achiti haina kurongeka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>