‘Chigunwe chako chinobviswa nenyoka’

31 May, 2022 - 17:05 0 Views
‘Chigunwe chako chinobviswa nenyoka’ Davis Kaseke

Kwayedza

IMWE shoroma inorarama nekuita madhiri panzvimbo ine mukurumbira yeXimex Mall iri pakati peguta reHarare, iri kutsinhira kuti nyaya iri kutenderera padandemutande yevanhu vanonzi vari kutengesa zvigunwe zvavo ndeyechokwadi.

Davis Kaseke anoti kune vanhu vari kutengesa zvigunwe zvavo nenyaya yekuda mari.

“Nyaya yekutengeswa kwezvigunwe ndeyechokwadi,” anodaro.

“Zviri kutoitika pano, tine mitengo yakazara yezvigunwe. Zvinhu izvi zvave nenguva yakareba zvichiitika,” anodaro Kaseke.

Anoenderera mberi achiti, “Asi chekutanga, munhu anenge achida kutengesa zvigunwe zvake anobhadhara US$200 yekuti ajoine, tozomuudza zvose zvinodiwa.

“Inini zvangu zvichiri zvakakwana asi manje manje ndinenge ndabvisa chimwe chete.

“Tiri vamiririfri vevanotenga, vanhu vatinopa zvigunwe izvi ndevemuno muZimbabwe uye vane mari yakawandisa,” anodaro Kaseke.

“Vanhu ava vanongouya nemabhegi votiudza kuti tizadze mabhegi aya nezvigunwe.

“Saka zvinoitika ndezvekuti chigunwe ichi chinokwachurwa nenyoka, hanzi nyoka yacho inongoyamwa chigunwe chacho.

“Kana ukauya uchida kutengesa chigunwe chako tinokuratidza asi pari zvino hatingataure zvakawanda nezvazvo,” anodaro Kaseke. – H-Metro

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey