Chii chinonzi cholera?

16 Mar, 2023 - 08:03 0 Views
Chii chinonzi cholera? Cholera virus

Kwayedza

CHOLERA chirwere chemanyoka chakaipisisa chinokonzerwa nehutachiona hunonzi vibrio cholerae uho hunowanikwa mumvura kana muchikafu chinenge chasangana netsvina yemunhu ane hutachiona uhu.

Chirwere ichi chinokonzera kuti munhu arasikirwe nemvura yakawanda mumuviri apo anochaya manyoka kakawanda opedzisira arasikirwa neupenyu.

Cholera iri nyore kudzivirirwa.

Chinotapuriranwa sei?

–             Kunwa mvura kana zvinwiwa zvinenge zviine tsvina yevanhu ine hutachiona zvisina kuiswa mishonga kana mapiritsi ekuzvichenesa.

–             Kudya nemaoko asina kugezwa, zvikuru sei kana munhu abva kuchimbuzi.

–             Nhunzi dzinotakura hutachiona hwecholera dzichiendesa kuchikafu.

–             Ivhu rinogona kutakura hutachiona hwecholera kana richinge rasvibiswa kana kusangana netsvina ine chirwere ichi, zvikuru panoyerera masuweji kana paye pekuti vanhu vanoitira tsvina pachena kana muzvimbuzi zvemakomba tsvina yofamba nemuvhu ichienda kumvura inonwiwa nevanhu.

Ndevapi vanhu vari panyatwa?

–             Vanhu vanotakura chitunha chemunhu afa necholera kana vakatadza kuchibata vakazvichengetedza.

–             Vemakereke vanorambidza vanhu kuti vanotsvaga rubatsiro rwekurapwa muzvipatara

Zviratidzo zvecholera:

–             Kurutsa nekuita manyoka akaita mvura asingamiri zviri nyore uye akachenuruka

–             Zvinotora maawa 12 kana mazuva mashanu kuti munhu aratidze zviratidzo zvechirwere ichi mushure mekudya chikafu kana kunwa mvura ine hutachiona hwecholera.

–             Kana munhu aine zviratidzo zvakaderera akakurumidza kurapwa, anokwanisa kupora kuburikidza nekunwa mvura ine munyu neshuga yakafashaidzwa kuitira kudzoreredza mvura yaanenge arasikirwa nayo mumuviri.

–             Kana munhu akanonokerwa kurapwa, anogona kurasikirwa neupenyu.

–             Kuita manyoka akaita mvura, kurutsa, kurwadziwa nemudumbu musina kugadzikana.

–             Kupera simba makumbo nemaoko, kuwira mukati kwemaziso, kutadza kudya kana kunwa mvura nekufenda

Kuzvidzivirira:

–             Vanhu vasina zviratidzo asi vaine chirwere ichi vanogona kuchiparadzira kune vamwe vasingazive saka zvakakosha kuti vanhu vazvidzivirire nguva dzose nekugeza maoko nesipo uye kudya chikafu chichipisa

–             Vharai chikafu chinenge chasara kuitira kuti chisamharwe nemhunzi

–             Zvimbuzi ngazvigare zvakachena kuitira kuti vana vasabate tsvina apo vanozvishandisa

–             Kubaiwa kwenhomba dzechirwere checholera (cholera vaccine) kwakakosha sedziviriro.

Share This:

Sponsored Links