Chikoro chapihwa makombiyuta

07 Jun, 2022 - 09:06 0 Views
Chikoro chapihwa makombiyuta Muzvare Melonia Matsika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKORO cheSt Martins Nyamweda Primary School chekuMhondoro chakabatsirwa nemakombiyuta 15 anokosha zviuru zvemari yekunze kuburikidza nesangano reEzra Foundation rinotungamirirwa nemumwe mukadzi akadzidza pachikoro ichi uyo ava kugara kunyika yeCanada.

Muzvare Melonia Matsika (30) anova muvambi wesangano iri, vachitaurwa navo panhare vari kuCanada, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vadzoke kumusha kuzosimudzira chikoro chavakadzidza pamwe nekubatsira mune mamwe mabasa ebudiriro mudunhu iri.

“Ndakakurira mumusha wekwaManhanzva munzvimbo iyi ndikapinda chikoro paNyamweda Primary ndokuenda kuCanada ndapedza sekondari yangu. Ndave kugara kuno (kuCanada), ndakazotanga sangano reEzra Foundation rinobatsira mune zvakasiyana, kunyanya muzvikoro. Ndakazotsvaga makombiyuta 15 andakapa kuchikoro ichi ndokuvapawo mablack boards mana anotakurwa mahombe uye ndokuvakawo mamwe mana andakapendesa,” vanodaro Muzvare Matsika.

Pamusoro pezvo, vanoti vakatengera vana vose vepachikoro ichi mabhuku nezvinyoreso kubva Grade 1 kusvika Grade 7.

“Ndakapendesa zvakare makirasi anodzidzira vana nekuzobhadharira vana vashanu mari yechikoro yegore rose nekuvatengera mbatya dzechikoro dzinosanganisira bhutsu, mayunifomu, mabhegi, maheti, magirovhosi nezvimwe. Tichadzoka nguva diki iri kutevera kuzowedzera rubatsiro urwu,” vanodaro Muzvare Matsika.

Vanoti vane hurongwa hwekuvakisa laboratory nelibrary pachikoro apa gore rino risati rapera sezvo paine magetsi kare.

“Ndinonyanya kubatikana nekudzikira kwaita vana vari kubudirira muzvidzidzo zvavo zveGrade 7 kwemakore adarika saka tinoda kuti fundo isimukire. Sangano redu riri kubatsira zvakare chikoro cheMasawi Primary, kubhadharira vana mari yechikoro nekutenga mbatya dzechikoro pamwe nemabhuku,” vanodaro Muzvare Matsika.

Sangano iri rakaita gungano svondo radarika apo pakagashidzwa chipo chemakombiyuta ichi nezvimwe. Mambo Nyamweda, VaNobert Mandaza, ndivo vaive muenzi mukuru pagungano iri uye vakarumbidza zvakanyanya Muzvare Matsika nekusimudzira kwavari kuita chikoro ichi icho chakavambwa mugore ra1928.

“Tinotenda zvikuru mwana uyu akazvipira kubatsira chikoro chedu cheNyamweda Primary nemakombiyuta, mbatya dzechikoro dzevana nekubhadharawo mari yechikoro yevana vashanu kwegore rose. Tinotarisira vamwe vana vakadzidza pachikoro chino kutevedzera zvimwe chete nekuti pano pane vana vane mazita makuru zvekuti vose vakauya tinochivandudza mukati mesvondo rimwe chete,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Mukuru wechikoro ichi, VaLuckmore Mudzviti, vanotenda zvakanyanya rubatsiro urwu.

“Tinotenda zvikuru nechipo ichi, tichitenda Melonia Matsika nesangano rake reEzra Foundation kuti varambe vachitirangarirawo. Tinokurudzira vamwe kutevedzerawo gwara ratorwa nemwana uyu,” vanodaro VaMudzviti.

Share This:

Sponsored Links