Uncategorized

Chikoro chitsva chovhurwa

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Musiiwa
HURUMENDE yakavakisa chikoro chesekondari chitsva kunzvimbo yeNeta Ressetlement, kuMberengwa, nedonzvo rekuzadzikisa chirongwa chayo chekuti vana vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva vawane mukana wekudzidza zviri nyore.Nguva pfupi yadarika, bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakazivisa kuti richavakisa zvikoro zvinosvika 2 000 munyika yose.

Izvi zvinouya mushure mekunge dare reCabinet raudza gurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, kuti paifanirwa kuvakwa zvikoro 100 zvepuraimari nesekondari gore rapera risati radarika.

Nyika yose yakashomekerwa nezvikoro 2 056 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.

Chikoro chemhando yepamusoro-soro chekuNeta chave kutopera kuvakwa uye chinotarisirwa kuvhurwa zviri pamutemo nemutungamuriri wenyika President Mnangagwa munguva pfupi iri kutevera.

Mumiriri weMberengwa North mudare reNational Assembly, Cde Tafanana Zhou vanoti kupedza kuvakwa kweNeta Secondary School kuchasimudzira zvikuru mhando yedzidzo yemudunhu ravo.

“Hurumende munguva pfupi yadarika yakapa zvekushandisa mukuvakwa kweNeta Secondary School kunzvimbo yeNeta Resettlement. Chikoro ichi chichave chimwe chepamusoro-soro mudunhu rino. Zvivakwa pamwe nezvinoshandiswa nevana mukudzidza pachikoro ichi zvinoenderana nezvekune zvimwe zvikoro zvepamusoro-soro zviri munyika muno.

“Vana vemunzvimbo iyi vari kufamba nzendo refu kuenda kuzvikoro zvesekondari.

“Danho iri (rekuvakwa kwechikoro ichi) rinoratidza kuzvipira kwaPresident Mnangagwa neHurumende mukusimudzira mhando yedzidzo kumarurwa nemunyika yose,” vanodaro Cde Zhou.

Mugore ra2013, Hurumende yakaita ongororo yenzvimbo 2 056 idzo inoda kuzovakisa zvikoro. Zvikoro izvi zvichavakwa munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva.

Kuvakwa kwezvikoro izvi kunoenderana nechirongwa cheZim-Asset pasi pechikamu cheSocial Services and Poverty Eradication Clutser apo Hurumende iri kuda kusimudzira mhando yedzidzo, kuwanikwa kwefundo pamwe nekudzidziswa kwakazara pamatanho ose.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey