Chikoro chopa vana zvirauro, kwete hove

27 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Chikoro chopa vana zvirauro, kwete hove chibage-chiri-mubindu-rechikoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKORO cheGwindingwi High chiri kuBikita, mudunhu reMasvingo chiri kuita mabasa makukutu ekusimudzira dzidzo akadai sekurima miti yemichero, kuchengeta hove nekurima chibage chinyoro chekutengesa.

Nhengo dzebazi rinoona nezvedzidzo yepuraimari nesekondari dzakashanyira chikoro ichi munguva pfupi yadarika dzikayemura mabasa ebudiriro ari kuitwa nechikoro ichi, icho chinova chiri kutsigirwa nemasagano akasiyana, kusanganisira reUNICEF.

UNICEF iri kubatsira chikoro ichi nemari yekusimudzira nyaya dzezvivakwa sezvo dzimba dzekudzidzira zhinji dzepo dzatsemuka kusanganisira zvimbuzi izvo zvaparara uye kutsigira zvidzidzo zveE-Learning.

VaDereck Muzinda, avo vanove mukuru wechikoro ichi, vanotenda rutsigiro urwu.
“Tinotenda zvikuru nerubatsiro rwatakawaniswa neHurumende kuburikidza nesangano reUNICEF pachirongwa cheE-Learning nekuti munguva yeCovid-19, vana vedu vakarasikirwa nedzidzo nokudaro pari zvino vava kukwanisa kupedza sirabhasi yavo pasina dambudziko.

vadzidzi vezvekuvaka

“Pakatanga chirongwa ichi, taive nema’laptop’ maviri bedzi asi iko zvino tava ne30 saka vana vanoita zvijana zvekuashandisa,” vanodaro.

Vanoti panyaya dzekupasa, mugore ra2020 paO-Level vadzidzi vavo vakapasa nechikamu che32 percent uye muna2021 vakazokwirira kuenda pa35 percent zvichikonzerwa nekuwaniswa kwezvekushandisa.

“Mugore ra2020, paA-Level takapasa nechikamu che92 percent, kuchizoti muna2021 tikaenda pa95 percent. Dambudziko riripo nderekuti vamwe vabereki havakwanise kutengera vana mabhanduru kuti vaende pamasaisai saka ndizvo zviri kutinetsa kuno,” vanodaro.

VaMuzinda vanoti ivhu renharaunda yakavakirwa chikoro chavo rinondengendeka sezvo rakaita kunge matope zvinoita kuti zvivakwa zvitsemuke.

Dereck Muzinda achiratidza miti yavakadyara

“Takapihwa US$2 000 neUNICEF pasi pechirongwa cheSchools Rehabilitation Programme iyo tiri kushandisa mukuvakurudza chikoro chedu uye chimbuzi chevana vasikana.
“Tiri mushishi kuvaka chimbuzi chakakura chine makomba 18 chevasikana chine zvikamu zvekugezera kuti tisimudzire nyaya dzehutsanana,” vanodaro.

Vaenzi vaive pachikoro ichi vakawana mukana wekumema mabhindauko ari kuitwa nevadzidzi ayo anosanganisira bindu remiti yemichero mune makotopeya, mabhanana nemaranjisi uye mabhindauko ekurima chibage nekupfuya hove. Pachikoro apa pane vadzidzi 1 200.

 

Share This:

Sponsored Links