Uncategorized

Chikwambo chine wigi pfacha pakati peguta…Chakabvutidzanwa nemaporofita

05 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Chikwambo chine wigi pfacha pakati peguta…Chakabvutidzanwa nemaporofita Chikwambo chine wigi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Akave batai-batai panosangana migwagwa waFidel Castro (aimbonzi Charter) naKaguvi muguta reHarare nemusi weMuvhuro uno apo pakaonekwa chinhu chainge kamba yakapfekedzwa dehwe newigi uye yakamonerwa chuma chitsvuku nechitema.

Vanotaura vanoti ichi chikwambo uye chainge chatiza kumuridzi wacho kana kuti chakarasirwa pakati peguta.

Chinhu chainge chakandwa mubhini ichi, chainzi chakazonyamurwa nemumwe murume ainge akapfeka sutu achiti ainge atumwa nababa vake kuzochitora.

Apa chakange chaendwa nacho pedyo nekamba duku (Police Post) yemapurisa apo vamwe varume vaviri vaizviti maporofita vaiti vanoda kuchibika kana kuchigocha vagochidya.

Tawanda Zimuto anoti ndiye mumwe wevakatanga kuona chinhu ichi mangwanani eMuvhuro chichifemuruka nekufuta muviri wacho chichibva chazotorwa nemumwe murume.

“Patanga tiri mushishi kuchiona, pabva pasvika mumwe murume anga aine sutu ndokupfugama, achibva atanga kuomberera achidira fodya pasi achiti, ‘Pamusoro amai, tava kumbokutorai. Ndatumwa nababa, hanzi huyai kumba,” anodaro.

Anoti murume uyu akabva angochin- yamura nemawoko ndokuenda nacho. “Tazonzwa kuti chasiiwa pedyo nePolice Post yemapurisa ekuMarket Square saka ndokwachiri,” anodaro

Zimuto.

Kwayedza yakazoenda kumusika weMarket Square ikasvikowana chinonzi chikwambo ichi chakabatwa nemumwe murume uyo akati anonzi Madzibaba Vale ainge akapfeka gemenzi dzvuku aine mumwe wake.

Vaviri ava vakati vanoda kutanga vapihwa mari kuti vape munyori uno mvumo yekutora mifananidzo uye kubvunzurudza zvavaida, vachibva vapihwa $2.

“Tinoda kupisa chikwambo ichi tochidya. Asi ngwarirai kuti kana tikachipisa chinogona kubhururuka kana kuputika chigopinda mudumbu remumwe munhu ari pano. Saka tinozoda mari zhinji yekuti tichichibvise nekudaro kuda kuona kwenyu ngwarirai kuti kuchakudhurirai,” anodaro Madzibaba Vale.

Madzibaba Vale nemumwe wavo

Vaviri vaizviti maporofita ava vaiva netsvina isina mukare akamboona.

Kwayedza yakazosiya vaviri ava vatovesa moto asi vachinyemudza vanhu apo vaiita sekunge voda kukanda chinhu ichi mupani yavainge vagadza pamoto, asi vachizochibvisa nekukasira.

Mumwe mudzimai ainge aine mhotsi akasvikawo ndokubvutira Madzibaba Vale chinhu ichi achiti ndechake asi akazochitorerwa mushure mekunge vaona kuti aitovawo munhu aida kuchitora mifananidzo.

Thomas Murombo uyo anoshandira pedyo nepakaonekwa chinhu ichi anoti vakachiona kubvira nemusi weSvondo wadarika.
“Takachiona kubvira musi weSvondo chiri mubhini rekanzuru iri asi chaingofemuruka nekufamba chichiita kunge chinoda kubuda asi chobva chadzokera mukati. Hatizive kuti chakasiiwa nani uye nguvai asi tinoona sekunge mabasa ehushereketwa evanhu vanenge vachida kutora mari dzevanhu, zvikuru maUS$ nekuti kuno kunaKaguvi kune vanhu vanogadzira mota saka mari iri ti-i,” anodaro. Kudakwashe

Musombe anoti aya mabasa ekuromba. “Handi vose vanowana mari zvichibva mudikita ravo, vamwe vanoda kuiwana nyore. Saka ndiwoka mabasa avo aya, pamwe zvava kumunetsa ouya kuzorasira pakati peguta,” anodaro.
VaLenon Gavaza vanoti aya anogona kunge ari mabasa evaporofita venhema. “Makambozviona kupi kuti chikwambo chinopfekedzwa wigi nezambia? Aya mabasa evaporofita venhema vanenge vachida kutsvaga mbiri nekubira vanhu mari dzavo.

Lenon Gavaza

Izvozvi handiti pane munhu auya akachitora uyo achibata nemaoko ake, zvivindi zvake ndezvei? Ndiye muridzi wacho,” vanodaro.

Gilmore Madamome

Gilmore Madamombe anoti vamwe vanhu vave kushereketa zvikuru mazuva ano.

“Ini ndinoti chikwambo ichi ndechechokwadi nekuti tine vamwe vanhu vatinoziva vasina mabasa avanoshanda asi vanotori nemabhazi anodarika 6 uye vachiri kutotenga mamwe. Vanhu vanoromba veduwe, ngatisarambe tichiti zvinhu zvemanyepo. Vese vari kubata chikwambo ichi vachionererwa vachapindana nacho,” anodaro.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvekare mutungamiriri wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZimbabwe National Practitioner’s Association, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti hakuna chikwambo chakadaro.

Vanhu vaive vakaungana vachiona chainzi chikwambo

“Chikwambo chaicho hachingoonekwi nevanhu nyore nekuti chine uturu hunouraya kana kupofomodza maziso. Hachibatwe nemawoko saka vanhu ngavangwarire maporofita nen’anga dzenhema avo vari kuedza kuzvishambadza kuti vabire vanhu kuburikidza nekurasira zvinhu zvavanogadzira muguta kuti vanhu vafunge kuti vanogona kubata zvikwambo. Hazvishamisi kune vanhu vatotevera munhu iyeye vachitsvaga rubatsiro nekuti vamuona achibata chinhu chake chaakagadzira. Imbavha idzodzo,” vanodaro

Share This:

Sponsored Links