Chikwata chemaYoung Chevrons chodomwa

21 Dec, 2023 - 16:12 0 Views
Chikwata chemaYoung Chevrons chodomwa Chikwata chemaYoung Chevrons Under-19

Kwayedza

Abel Ndooka

ZIMBABWE Cricket yakadoma chikwata chemaYoung Chevrons cheUnder-19 chichanomirira nyika kumutambo weICC Under-19 Men’s Cricket World Cup kuSouth Africa munaNdira gore rinotevera.

Mutambo uyu unotarisirwa kutanga musi 19 Ndira 2024 uchizopera musi wa11 Kukadzi.

Chikwata chaProsper Utseya ichi chine vatambi 15. Pavatambi vakasarudzwa, vaviri vanoti Matthew Schonken naPanashe Taruvinga vaive muchikwata ichi chakamboenda kuWorld Cup yekupedzisira yakatambirwa kuWest Indies mugore ra2022.

Schonken ndiye akasarudzwa kuve kaputeni wevamwe vatambi.

Zimbabwe kumutambo uyu ichange iri muboka reGroup C rine zvimwe zvikwata zvinoti Australia, Namibia neSri Lanka.

Mumutambo wekutanga, maYoung Chevrons achasangana neSri Lanka musi wa21 Ndira kunhandare yeKimberley Oval uye ozosangana nemaAussies musi wa25 Ndira. Mumutambo wekupedzisira, chikwata chenyika ichi chichazosangana neNamibia musi wa27 Ndira.

Mitambo yese iyi ichatambirwa kunhandare imwe chete yeKimberley Oval kuNorthern Cape City kuKimberley.

Kumutambo uyu kune mapoka mana anoti Group A, B, C neD.

Pazvikwata zvese zvichatamba, zvina zvinopedza zviri pamusoro zvichafambira mberi kurwira chinzvimbo chemuSuper Six nekupinda musemi-final.

Zvikwata zvinohwina musemi-final zvichapinda mufainari yemutambo uyu.

Zvimwe zvikwata zvichange zviriko kumutambo uyu zvinosanganisira India iyo inove shasha ine mukombe uyu uye iri muboka rekutanga Group A mune zvimwe zvinoti Bangladesh, Ireland neUnited States of America.

South Africa, iyo iri kuronga mutambo uyu, iri muGroup B umo ichasangana neEngland, West Indies neScotland kuchiti boka rekupedzisira Group D mune Afghanistan, Pakistan, New Zealand neNepal.

Chikwata chemaYoung Chevrons: Nathaniel Hlabangana (Falcon College), Panashe Taruvinga (St Charles College, South Africa), Ronak Patel (Hellenic Academy), Campbell MacMillan (Peterhouse Boys), Ryan Kamwemba (Prince Edward High School), Brendon Sunguro (St Charles College, South Africa), Calton Takawira (Wise Owl High School), Matthew Schonken (Hellenic Academy), Anesu Kamuriwo (Mountaineers), Newman Nyamhuri (St Charles College, South Africa), Mashford Shungu (Mountaineers), Kohl Eksteen (Peterhouse Boys), Panashe Gwatiringa (Wise Owl High School), Shaun Dzakatira (Milton High School), Munashe Chimusoro (Christian Brothers College).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey