Child President orumbidzwa

24 Dec, 2021 - 14:12 0 Views
Child President orumbidzwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VABEREKI vane vana vakaremara pamwe neruzhinji vari kutambira nemaoko maviri kusarudzwa kwakaitwa mwanasikana akaremara kuti ave Child President nedare revechidiki reJunior Parliament vachiti iri idanho guru panyaya yekuenzaniswa kwemikana pakati pevakaremara mitezo nevasina.

Hazel Mandaza, uyo ari kuita Lower 6 paMahusekwa High, kudunhu reMashonaland East, ndiye akasarudzwa saChild President rinova danho rekutanga munhoroondo.

Theresa Makwara anova murongi mukuru kusangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children (ZPHCA) anoti vanofara zvikuru nedanho iri uye zvichapa tariro kune vamwe vana vakaremara.

“Vana vakaremara vanosangana nekushungurudzwa kwakanyanya apo vamwe vanovharirwa mudzimba vabereki vachinyara kusekwa kana kuti iri nyaya yekuomerwa neupenyu apo vanosiya vakavakiira mudzimba. Kusarudzwa kwaitwa Her Excellency Hazel kwatova chitsvambe kuvabereki nevamwe vatsigiri kuti vatarise zvikuru nhunha dzevakaremara.

“Vana vakaremara vanofanira kupihwa mikana yakangoenzana nevasina yakaita sedzidzo, kugoverwa zvakaenzana munyaya dzeupenyu, kuchengetedzwa nezvimwe zvose zvakavanakira mukurarama. Kudai Her Excellency Hazel asina kudongorera musuwo wechikoro akatenherwa mumba, chipo chake chingadai chisina kufukunurwa.

“Nhasi tiri kupembera tichitenda Hurumende yedu nekucherechedza vakaremara kuburikidza nekudzika mitemo inotarisa vakaremara (Disability Policy),” anodaro.

Mai Elizabeth Chidi vanova mubereki ane mwana akaremara vanotiwo, “Vana vakaremara vanonyanya kutarisirwa pasi kunyangwe vaine zvinhu zvakakoshera upenyu hwavo. Saka kusarudzwa kwaHer Excellency Hazel kunoratidza kuti vana vedu vakaremara kana tikavapa dzidzo vane mikana yekuita zvikukutu muupenyu.”

Mai Memory Kanyati vanova provincial manager wesangano reZimbabwe Youth Council mudunhu reHarare vanoti vanofara zvikuru nedanho rakatorwa rekuvhotera mwanasikana akaremara saChild President vachiti zvichaita kuti nhunha dzevakaremara dzinge dzichinzwikwa zviri nyore.

“Kana vakaremara vakapihwa zvigaro zvepamusoro, vanokwanisa kumiririra vamwe vavo neveruzhinji nekuti ndivo vanoziva nezvematambudziko anosanganikwa nevakaremara pane vanoita zvekunzwa. Kushomeka kwezvikoro zvevakaremara, kushaikwa kwevaturikiri vemitauro yemasaini, mhirizhonga, kushomeka kwezvivakwa, zvekufambisa nekudhurirwa mukurapwa nekushomeka kwemawiricheya ndiwo mamwe ematambudziko anonyanya kusangana nevakaremara,” vanodaro.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakavhura zviri pamutemo dare re29th Junior Parliament Session apo vakati kuchange kuine matare akamirira kutonga nyaya dzekushungurudzwa kwevana panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza kurwisa kuroodzwa kwevana nemamwe mabasa akaipa anoitwa kwavari.

Share This:

Sponsored Links