Chimoko pfee nepahwindo

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Chimoko pfee nepahwindo court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive mudare redzimhosva vakakahamadzwa apo mumwe mudzimai akati shamwarikadzi yemurume wake inopinda mumba make husiku nepahwindo, yosasana nemurume uyu apo iye anenge ari muimba yekurara.

Shamwarikadzi iyi – iyo yakazivikanwa mudare nezita rekuti Madam Madyo – inotsinhira nyaya yekupinda kwainoita mumba nepahwindo mushure mekunge yamhan’arirwa naGloria Magura kuHarare Civil Court.

Magura anoti anoda kuti Madyo asiyane nemurume wake uye tsika yake yekupota achiuya kumba kwake achipinda mumba nepahwindo.

“Changamire, amai ava vandishaisa mufaro mumba mangu. Takavapa basa rekuticha vana vekireshi pamba pangu asi ivo vakabva vaona uri mukana wekutora murume wangu. Vanouya husiku kumba kwangu vosvikopinda nepahwindo, vonanga mune imwe kamuri umo vanonosasana nemurume wangu ini ndiri mune imwe imba.

“Izvi zvaitika kwenguva refu kusvika ndazozvibata, asi vanongoramba vachiuya chete,” anodaro Magura

Achibvunzwa nedare kuti sei asingadzinge Madyo basa, Magura anoti mukadzi uyu akapinzwa basa nemurume wake uye hazvina zvazvinobatsira kumudzinga nekuti anongoramba achiuya kumba kwake.

“Handikwanise kumudzinga basa nekuti akapinzwa nemurume wangu uye kunyangwe ndikamudzinga, anongouya husiku oita hunhu hwake hwaajaira. Ndave kutotyira vana kuti musi wavanomuona vanotora hunhu hupi?

“Ngaarege kuuya hake kumba kwangu nekuti ini nemurume wangu takaroorana pachivanhu,” anodaro Magura.

Achipawo divi rake, Madyo anoudza dare kuti akadanana nemurume waMagura mushure mekunge amupinza basa uye akamuudza kuti haana mudzimai.

“Hongu, murume waamai ava ndinodanana naye, ndingangoti murume wangu kunyangwe zvazvo asati abvisa pfuma. Paakandipinza basa pakireshi yake, ndipo patakatanga kufambidzana kusvika ndave nepamuviri.

“Ndakatozozviziva kuti ane mukadzi ndave nepamuviri saka painge pasisina kudzokera shure.

“Zvekupinda nepahwindo ndinenge ndisingade kumutsa mhirizhonga naamai ava nekuti ivo havabvume kuti nditoriwo mukadzi wemurume wavo. Ndinotogara naye uye ndinozonopinda nepahwindo kana aenda kumba kwake ndave kumutevera,” anodaro Madyo

Magura anobva amugamha achiti aya manyepo.

“Zvese zvaari kutaura handina basa nazvo, chandinongoda kuti asiyane nemurume wangu nekuti izvozvi hatisi kuwirirana nekuda kwake uye ngaarege kuuya kumba kwangu achipinda nepahwindo,” anodaro Magura.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Magura gwaro rerunyararo ndokuti sezvo Magura nemurume wake vari ivo varidzi vekireshi iyi, Magura ane kodzero yekudzinga Madyo basa.

Share This:

Sponsored Links