Uncategorized

‘Chingwa chichadzoka pa$1’

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Chingwa chichadzoka pa$1’ VaTafadzwa Musarara

Kwayedza

Bulawayo Bureau

MUTENGO wechingwa unogona kudzika uchidzokera pa$1 kubva pa$1,10 pawava mumasvondo ari kutevera.

Izvi zviri kuuya panguya iyo makambani ari mubhizinesi rekugaya zvakasiyana ari kuita hurukuro neHurumende pamusoro penyaya yekutenga gorosi kubva kunze kwenyika.

Vachitaura nevatori venhau kuBulawayo svondo rapera, sachigaro wesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara, vanoti panogona kuve neshanduko pamutengo wechingwa mumasvondo maviri ari kutevera.

“Tinovimbisa veruzhinji kuti nyaya yemamiriro ekuwanikwa kwegorosi munyika iri kuenda ichiita zvakanaka uye pari zvino tatenga matani 30 egorosi ayo atiri kutarisira kusvika kubva kuMozambique,” vanodaro.

“Gorosi iri rinotarisirwa kusvika mazuva 14 anotevera. Takabhadharawo mari yegorosi risati rakohwewa nechekare uye izvi zvichawedzera pamatura edu.

“Tiri kuita hurukuro neHurumende kuti itibatsirewo nemari shoma pakutenga kwatinoita gorosi kunze kwenyika uye izvi zvichaita kuti mutengo wechingwa udzike zvakare.”

VaMusarara vanoti pari zvino munyika muri kubikwa chingwa chinosvika chikamu che50 percent asi zvitoro zvakawanda zvekumaruwa hazvisi kuchiwana.

“Kuwanikwa kwechingwa kuri pa50 percent uye tiri kukwanisa kuchiendesa kazhinji munzvimbo dzemumadhorobha nemaguta chete.”

VaMusarara vanoti vari mubhizinesi rekugaya zvinhu zvakasiyana vanoda US$30 miriyoni pamwedzi yekutenga gorosi, apo $7 miriyoni inenge iri yechingwa.

“Tinoda US$30 miriyoni pamwedzi yekutenga gorosi, $8 miriyoni yemupunga, ne$2,5 miriyoni yesauti,” vanodaro.

“Takangofanana nevamwe vemaindasitiri akatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari yekunze uye takave nedambudziko guru munaChikunguru apo Vice President Chiwenga vakange vasati vapindira munyaya iyi.”

VaMusarara vanoti ivo nechikwata chavo vachangobva kuBeira, kuMozambique, uye vari mushishi yekuronga kuti gorosi rakatengwa risvike muZimbabwe nekukasika.

Vanotizve huwandu hwevanhu vave kudya chingwa mazuva ano hwawedzera zvikuru kana zvichienzaniswa nemakore gumi adarika.

“Hapanai nyika iri muAfrica inokwanisa kuwana zvekudya zvinoikwanira iri yoga, saka kutenga kunze kuri kuitwa nevakuru vemaindasitiri kwakakosha kuitira kuti pave nechikafu chinokwanirana,” vanodaro VaMusarara.

Share This:

Sponsored Links