Chinoz ogovera mamasiki 30 000

09 Jun, 2020 - 17:06 0 Views
Chinoz ogovera mamasiki 30 000 Cde Joseph Chinotimba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vakavamba chirongwa chekuwanisa vanhu vemudunhu ravo vanodarika 30 000 mamasiki pachena nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Hurumende yakadzika mutemo unoita kuti vanhu vose vapfeke mamasiki pose pavanenge vari munzvimbo dzeruzhinji uyewo kuti vagare vasina kuita chitsokotsoko. Panguva imwe cheteyo, veruzhinji vanokurudzirwa kukoshesa hutsanana nekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka.

Covid-19 chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus uho hunotapiriranwa nyore muvanhu uye nekukasika.

Muhurukuro neKwayedza, Cde Chinotimba vanoti ibasa remunhu wose kuona kuti chirwere ichi chamiswa kupararira.

 

Madzimai ekuBuhera South vachisona mamasiki ayo ari kupihwa vagari veko pachena.

“Ini handingomirira kuvhoterwa nevanhu chete, ndiri muranda wavo uye mushandi wevanhu vanondisarudza. Izvi ndizvo zvinoita kuti ndirambe ndichivamirira kuno kuBuhera South.

“Nekuda kweCovid-19, ndakatenga michina makumi maviri yekusona inosanganisira mimwe yemagetsi iyo iri kushandiswa nemadzimai anokwana makumi matatu kusona mamasiki evanhu vemudunhu randinomirira. Havasi kuzorora kusona masikati nehusiku kuti tiwanise vanhu vose mamasiki munguva ino,” vanodaro Cde Chinotimba.

Cde Chinotimba – avo vanowanzozivikanwa nekungoti “Cde Chinoz” – vanoenderera mberi: “Dunhu rangu reBuhera South harinaye mvura zvakanaka nekudaro kunogara kuine nzara. Izvozvi vanhu vari kutosunza. Saka ini saMP wavo, ndave kuita kuti vawane mamasiki epachena vose.

“Mudunhu mangu mune vanhu vanodarika 30 000 vakuru nevadiki, kureva kuti takatarisana nekusona mamasiki anodarika 30 000.”

Madzimai ari kusona mamasiki aya vanonzi vakazvipira kuita basa iri pachena.

Cde Chinotimba vanoti kana basa rekusona mamasiki aya rapera, pane hurongwa hwekuzotanga chirongwa chekusona mayunifomu echikoro, mahovhorisi nedzimwe mbatya dzemucheno nemichina iyi.

“Machira, shinda nendandi zvinokwana mamasiki ayay ndakatenda. Mukati mevanhu ava mune vamwe vanoayina mamasiki acho kana apera kusonwa.

Madzimai ekuBuhera South vachisona mamasiki ayo ari kupihwa vagari veko pachena.

“Kana basa iri rapera, tichazoita kambani yekusona iyo tinotarisira kuti ichakwikwidzana nemamwe makambani ari kumaguta akaita sekuHarare, Mutare nekuChipinge mubasa iri,” vanodaro Cde Chinotimba.

Vanoti basa rekusona mamasiki iri vanotarisira kuti richange rapera nenguva pfupi iri kutevera kuti vanhu vose vakwanise kuwana zvinovadzivirira mukutapurirwa hutachiona hwecoronavirus.

“Kana zvemamasiki zvapera, madzimai 30 ari kuita basa iri aya acharamba achishanda. Kuchapindawo vamwe mabasa vanosanganisira vanocheka machira, kutsvaira nezvimwe. Zvose izvi zvabva mumamasiki eCovid-19 saka denda iri rativhurira mikana, raunza mabasa kuno kuBuhera.”

Muchirongwa chekupa mamasiki kuvanhu ichi vanoti havasi kusiya vana vechikoro nevadzidzisi muzvikoro zveko.

“Zvikoro zvedu zvichavhurwa uyewo tine vana vari kuda kunyora bvunzo munguva iri kuda kutevera saka tichavapa mamasiki vose,” vanodaro.

Mamasiki aya vanoti ari kupihwa kumasabhuku emudunhu ravo avo vanozoagovera muvanhu.

“Kukaitika rufu ndiri kufamba zvakare ndichidzidzisa veruzhinji nyaya dzehutsanana kuti vasaungane ndichibatsirwa nevashandi vekuzvipatara nemakiriniki. Handidi kuti vanhu vekudunhu rangu vafe nekushaya zivo,” vanodaro Cde Chinotimba.

Cde Chinotimba vane mamwe mabasa ebudiriro avari kuita mudunhu ravo anosanganisira ekutonongora nzungu nemichina.

“Tine michina inotonongora nzungu nekukuya dovi iyo iri munharaunda, tine mapindu anorima zvakasiyana uye tine kambani inobika chingwa nemabhanzi izvo tinotengesa nemitengo yepasi. Tinewo kambani inogaya hupfu huchitengeswa nemari yakadzika zvikuru,” vanodaro Cde Chinotimba.

Share This:

Sponsored Links