Utano hwepfungwa naTafadzwa Meki
Kazhinji urwere hunoonekwa nechironda kana bhandiji kana kutopinda muchipatara. Chikosoro chaicho chinonzwikwa kuti munhu haasi kunzwa zvakanaka. Asi makambofungawo here kuti kana muhu achinge akaremerwa, kana kuti achishushikana mupfungwa, zvinoonekwa sei?
Tomboti uchifamba wobva wagumburwa nechitanda chemuti, hazvirwadzi here? Chigunwe chekutsoka hachizvimbi here kana dzimwe nguva kutobuda ropa? Ko zvino kana ukashungurudzwa, kana kutaurirwa mashoko anodzimba, pangava pabasa, kukereke, munharaunda matigere, muchikoro kana papi zvapo, zvinooneka here kuti wadzimbikana? Kana uine wawataurira angakwanisa here kunzwisisa zvizere kuti wabatikana kusvika papi? Ndidzo nyaya dzeutano kana kushaikwa kweutano hwepfungwa.
Chii chinombonzi utano hwepfungwa?
Bazi rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation rinotsanangura richiti, “Utano hwepfungwa hunosanganisira kukwanisa kunoita munhu kuenderera mberi neupenyu kana achinge asangana nematambudziko uye zvinhu izvi zvisingazovhiringidzi mararamiro ake, kana kumukonzeresa mamwe matambudziko pakurarama kwake.”
Izvi zvinosanganisira kuti munhu anokwanisa sei kugashira zvakaoma zvaanenge asangana nazvo muupenyu, nekuzvizeya nekuzokwanisa kugarisana nevamwe zvisina mhirizhonga nekugona kuenderera mberi nemabasa aagara achiita. Mutsvakurudzo dzakaitwa zvakaonekwa kuti mugore ra2019, pavanhu vasere voga-voga, mumwe chete wavo anokwanisa kunge achirarama nehurwere hweutano hwepfungwa, kunyanya kufunganya nekufungisisa.
Ko ivo vane hurwere hwepfungwa tinovati kudiiko?
Ndipo paya panoshandiswa mashoko anosanganisira kuti benzi, mupengo, anotwaya, anomhanya mushini, ari kutanda botso, ane mamhepo, anomhanya bani, nezvimwe zvakawanda. Asi hazvina kururama kushandisa mazwi akareruka uye anounza kushoreka kwehurwere uhwu.
Mazwi anotambirika anosanganisiria kurwara nepfungwa kana kuti kurwara nechirwere chepfungwa. Maratidziro azvinoita ndoanozosiyana, kusanganisira kusuwa kwakanyanyisisa kusingaperi kana kusaderera mushure menguva yakareba, kufunga kutora upenyu hwako, kufungisisa kusvika pakutadza kuita mabasa emazuva ose, kufunganya kusvika pakutora zvinodhaka kana zvinokuvadza, kutanga kutaura wega kana kuona nekunzwa zvisingaoneki kana kunzwikwa nevamwe, kutadza kurara kana kutadza kudya zvakanaka kwenguva yakareba, kufamba usina kusimira zvakakwana uye kuzvibvisa pane vamwe.
Tichange tichizeya misiyano iyi pazvinyorwa zvinotevera. Uye regai titi zvose izvi zvinopiwa dudziro navanamazvikokota veutano hwepfungwa, ngatisapananayi dudziro tisina ruzivo.
Nokudaro hurwere hwepfungwa hauoneki sekuoneka kunoita hurwere hwepanyama, nguva dzose. Ngatiyeuke kuti chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara nokudaro ongororai vamugere navo, vamunodyidzana navo muwane nguva yekukurukura kuitira kana paine dambudziko vakasike kuwana rubatsiro.
. Tafadzwa Meki ndiLicensed Counselling Psychologist uye National Coordinator weS.A.L.T Africa