Uncategorized

‘Chipfambi chandiparira’

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
‘Chipfambi chandiparira’ Maggie

Kwayedza

Phillipa Chinhoi
MUKADZI aimboita basa rekutengesa muviri wake muguta reHarare ava kuzvidemba zvichitevera kupinzwa kwaanoti akaitwa mumabasa ehumbavha nevamwe varume vaviri avo vainge vamukecha zvikaita kuti abatwe nemhosva yekuba motokari iyo ava kupikira mujeri reChikurubi Female Prison, muHarare.

Mukadzi uyu — uyo anongoda kuzivikanwa saMaggie (21) — aiita basa rekutengesa muviri wake mumabhawa emuHarare asi ava kuzvidemba achiti haachafa akaita basa iri zvakare sezvo rakamuita kuti agume odya sadza refovhoro mujeri.

Anoti akatongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu uye asarirwa nemakore matatu nemwedzi mina.

Maggie anoti rimwe zuva ari mushishi kutsvaga zvikomba zvekusasana nazvo, pane varume vaviri vakamushevedza ari panzvimbo yaaishandira, iye ndokubvuma kuenda navo achifunga kuti vaida kusasana naye izvo vaida kumushandisa mumabasa ehumbavha.

“Varume ava vakamisa tekisi yaive vayo vachiti vaida kunosasana neni kuBorrowdale vose vari vaviri. Ndave mutekisi muya, mumwe wacho akaudza mutyairi kuti atore mugwagwa wekuMt Pleasant.

“Patakasvika paive nebani, mutyari akanzi amise motokari ndokurohwa mumusoro nesimbi achinzi aburitse mari yose yaive nayo asi zvakaramba sezvo akakwanisa kupukunyuka ndokutiza,” anodaro.

Maggie anoti mutyairi wetekisi uyu akakwanisa kucherechedza chiso chake sezvo aizivikanwa nekuda kwemabasa echipfambi muHarare izvo zvakazoita kuti mutyairi uyu amhan’are nyaya iyi kumapurisa mukadzi uyu ndokusungwa.

“Ndakaita munyama chaiwo, iko zvino vana vangu vari kuchengetwa natete hanzvadzi yemurume wandakarambana naye kuBulawayo. Handizivi kuti vadyeyi nhasi kana mangwana vapfekeyi uye vanorara pai nekuti tete ivavo vanorojawo kamuri imwe chete,” anodaro Maggie.

Zvichakadai, mumwewo mukadzi —uyo anongoda kunzi Sipiwe (27) — anoti ari kupika makore masere mujeri iri mushure mekubatwa nemhosva yekuba akapakata zvombo achibatsirana nemurume wake neshamwari yemurume wake.

Anoti vaiita basa rekubvutira vanhu zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira mari, nhare nemalaptops izvo vaitengesa vachiwana mari.

Murume wake neshamwari yake vari mujeri zvakare vachipikira mhosva imwe chete iyi.

Sipiwe anoti akatanga zvekuba nekuda kwekutambura.

Zvichitevera kusungwa kwake, anoti vana vake vaviri vave kutochengetwa naamai vake.

Asi anoti anorwadziwa zvikuru kuti amai vake havadi kuzomuona kujeri kana kuenda nevana vake kuti vanomuona.

Mudzimai uyu anoti asarirwa nemakore matatu ekupika mujeri uye kana abuda anoda kuzoita basa rekusona iro akadzidzira ari mutirongo imomu.

Share This:

Sponsored Links