Uncategorized

Chipfambi chiriko: Zicosu

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Chipfambi chiriko: Zicosu Pinjiwest Nhamburo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomirira vadzidzi vekumayunivhesiti, makoreji nevari kufundira mabasa emaoko, reZimbabwe Congress of Students Union (ZICOSU), rinoti riri kushushikana nekuda kwezviri kuomera vadzidzi panguva ino.

Mutungamiriri wesangano iri, Pijiwest Nhamburo, anoti mari dzekumayunivhesiti nemakoreji dzakakwira zvinova zvava kuomera vabereki nevadzidzi.

“Zvinotirwadza sesangano rinomiririra vadzidzi, asi hatidi kuti vashaye tariro nedzidzo. $5 000 yave kubhadharwa nevamwe pasemester yakawandisa kubva mu$2 400 yaimbobhadharwa.

“Hongu, nyaya dzekuti vamwe vava kutengesa miviri tinodzinzwa uye dzagara dziriko. Asika, hazvirevi kuti kana vamwe vakaita chipfambi zvoreva kuti vose vari pachikoro ipfambi.

“Zvinosvibisa zita rechikoro nevamwe vana vanenge vachiziva zvavakavinga. Vamwe vakatozvitanga vachiri kupuraimari chaiko saka munoti vanozoregedza here nekuti vava kuyunivhesiti kana ivo vava kuzvitora sevanhu vakura?” anodaro.

Anoti vane zvirongwa zvavanoita mumayunivhesiti apo vanofundisa vadzidzi maringe netsika dzakanaka.

Nhamburo anotenda Hurumende nekutsigira vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji kuburikidza nekuvawanisa zvirongwa zvezvikwereti zvemari kuti vabatsirikane.

“Tanga tiine dambudziko revadzidzi vaisiira chikoro panzira vachizotanga zvekare mushure mekuwana mari saka takaona kuti zvinodzorera kumashure tichibva takumbira Hurumende kuti itiwanisewo mari dzezvikwereti zvinova zvayakaita. Vadzidzi vanokwanisa kuapuraya mari idzi vachinobhadhara fizi kana mitero yepavanogara zvisina kana dambudziko.

“Kana mudzidzi akarerukirwa neupenyu, zvinobatsira zvekare kuti adzidze pfungwa dzake dziri pamwe chete achibudirira,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Kuvadzidzi vose, tinokurudzira hunhu hwakanaka nekuti hunhu hwakaipa hunosvibisa zita rechikoro, hunosvibisa zita revamwe vadzidzi. Somuenzaniso, pakambobuda mumapepanhau kuti utachiona hweHIV hwawanda kuvana vepaMidlands State University munofunga kuti vangani vabereki vangada kuti vana vavo vanofunda ipapo? Nyambisirwa pamwe vashoma vanenge vachiita mabasa akadaro.”

Nhamburo anoti sangano ravo riri kutarisira vatsigiri vakawanda kusanganisira vanamuzvinabhizimusi vemuno.

Zvichakadai, vamwe vakuru-vakuru vanoona nezveraramo yevadzidzi vekumayunivhesiti (dean of students) seBindura University of Science Education, Midlands State University, Lupane University neUniversity of Zimbabwe havana kubatika panhare dzavo kuti vataure pamusoro penyaya ino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>