Uncategorized

Chipoko chobatidza Nekudzima magetsi . . .

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Chipoko chobatidza Nekudzima magetsi . . . Mai Apronia Padzarondora

Kwayedza

Kingstone Mapupu
AMAI vemuHarare — avo kumusha vanobva kwaMurombedzi, kwaZvimba – vanoti vave kugara vachityira upenyu hwevana vavo zvichitevera katsika kekuda kuzviuraya nekuzvisungirira kavainako sezvo pachitova nemumwe wacho akatofa nenzira iyi uyo wavanoti ane chipoko chiri kudzima nekubatidza magetsi mumba mavo.

Chipoko chemwanasikana wavo chinonziwo chiri kugara chichidzipa mumwe munin’ina wemushakabvu uyu.

Mai Apronia Padzarondora (36), avo vanogara mumusha weLusaka, kuHighfield, vanoti mwana wavo musikana mukuru ainzi Emma Mukwamba akafa ava nemakore 15 ekuberekwa achiita zvekuzvisungirira mugore ra2017 uye vamwe vaviri vasara — ane makore 14 neane makore masere okuberekwa — vanogara vachitaura nyaya dzekuda kuzviurayawo.

“Mbudzi kutambira pane vanhu kuti ibatsirwe, ini ndauya kwamuri veKwayedza kuti ndibatsirwe neruzhinji. Mwana wangu mukuru akafa nekuzvisungirira apo taigara kuChinhoyi. Izvozvi mudiki wacho anogara achida kuzvisungirira zvakare uye akatombozvisunga tambo yaainge azvisunga nayo ikadamburwa ndokupona.

“Mumwe anomutevera zvakare, kadiki chaiko, kanoitawo zvimwe chetezvo. Vana ava vakagumburiswa haugone kutaura navo,” vanodaro Mai Padzarondora.

Vanoti vainge vakaroorwa kwaMurehwa vakazosiyana nemurume vachipomerwa mhosva yekuti ndivo vakakonzera kuti mwanasikana wavo mushakabvu azvisungirire.

Mai Padzarondora vanoti mwana wavo mukuru wavasara naye anogara achiona chipoko chemukoma wake chichimudzipa, dzimwe nguva chichimuudza kuti azviuraye.

“Nyaya iyi yakatangira kwakafira Emma kuChinhoyi apo chipoko chake chaidzoka mumba chichidzima magetsi kana kuabatidza. Iye zvino kuno kuHarare ari kuuya achidzipa munin’ina wake.

“Anoti anodzipwa nemukoma wake apo anotofuma asingagone kudya kana kunwa uye asingakwanise kutaura,” vanodaro.

Mai Padzarondora vanoenderera mberi: “Ndave kutya kuti ndinogona kusara ndisina mwana, vaviri vasara ava vapera kuzviuraya. Mwana uyu azvisungirira kudaro, takanomuviga kuChegutu kumba kwaambuya vake uko mbatya dzake dzakagovewa kusanganisira nechipfeko chake chemukati icho akafa akapfeka.

“Mwana uyu akazvisunga nebhandi rangu rekumasowe iro rakazochererwa nevehukama pachivanze chepamba paambuya vake.”

Mai Padzarondora vanoti chitunha chemwana wavo chakatosvitswa mumusha chikararamo chichichemwa, nhumbi ndokuzogovewa.

Asi patsika dzechivanhu, zvinonzi mutumbi wemunhu anofa nekuzvisungirira haupinzwe mumba asi kuti unongoendeswa kumakuva, uye mbatya dzake hadzigovewe.

“Handichaziva zviri kuitwa nevana vangu vasara zviri kubva nekupi. Asara mukuru wacho akambundira chitunha chemukoma wake uyuwo mudiki akabata tsoka dzake vachichema sezvo vari ivo vakatanga kumuona afa mumba mavairara.

“Mbatya dzake dzakazogovewa iye akachemwa ari pamba, mutumbi wake ndokutorara mumba, hama dzemwana wangu dzichiti hazviyere. Zvino nhasi dambudziko rava rangu ndoga.”

Mai Padzarondora vanoti Emma aipomerwa kuti akange aba nhare yasahwira wavo apo vakazoedza kumubvunza zvikazosvika pakuti azviuraye.

Muhurukuro neKwayedza, mwana wavo musikana mukuru asara anoti hapana zvaanenge achiziva apo anonzi anenge achida kusviuraya uye anotozonzwa dzava nyaya nevanhu.

“Nyaya yekuti ndinogara ndichida kuzvisungirira handiizive, ndinenge ndichiita sendakasvikirwa. Pandinonzi ndakazochekerwa tambo ndazvisunga ndoga ndakatozoona ndakarara pasi apo ndisingazive kuti ndakazvifambisa sei,” anodaro.

Anoti mukoma wake mushakabvu anouya kwaari otanga akamutarisa, asi ozoguma otaura kuti kumurwisa kwaanoita haizi mhosva yake.

“Sisi pavanouya kwandiri vanoti haisi mhosva yavo vachiti ndivaregerere. Dzimwe nguva vakauya nagogo vakanditi mwedzi miviri yaisadarika ndiri mupenyu. Izvozvi kuchikoro handisi kuenda, ndinoona mukirasi muzere makuva, vamwe vana vechikoro nevadzidzisi vachiita sevanhu vane mabhonzo chete sezvinoita mitumbi yevanhu vakaora. Zvikangodaro ndinobva ndapunzika ndotadza kuziva zvandiri,” anodaro mwana uyu.

Dzimwe nguva musikana uyu anonzi anorara achitaura husiku hwose nevanhu vasingaonekwe nevamwe.

Musikana wekupedzisira mumhuri iyi anonzi anomukawo husiku, opfumbata zvibhakera apo anotanga kurova amai vake zvose nemukoma wake apo anenge aine simba kunge remunhu mukuru.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa vaEmma avo vanonzi vari kugara kwaMurehwa.

Votaura nezviri kuitika kumhuri iyi, Sekuru Gombwe vekuEpworth, muHarare, vanoti mhuri iyi inofanirwa kushandirwa, mweya wemufi wobviswa kuvapenyu.

“Ichokwadi nhumbi dzemunhu afa achizviuraya hadzigovewe iyewo mutumbi wake hawaifanirwa kusvitswa mumusha. Saka izvozvi mweya wake wekuzvisungirira urimo mumba umu, panogona kuzvisungirira mumwe kana vose kupera nenzira imwe cheteyo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links