Chipoko ‘choramba’ kuti imba itengeswe

06 Nov, 2024 - 10:11 0 Views
Chipoko ‘choramba’ kuti imba itengeswe Pamba panonzi pari kuonekwa chipoko - Mifananidzo naNicholas Bakili

Kingstone Mapupu

MHURI inogara pamba pavakasiirwa nevabereki  vanove vashakabvu kuMufakose muguta reHarare inoti yanetswa nechipoko chaamai icho chinonzi chinopinda mumba nekutenderera pachivanze pasina kutaura zvichitevera kutengeswa kwakaitwa imba iyi.

Baba naamai vemhuri iyi vakashaika vose makore ane chitsama adarika uye imba iyi inonzi yakatengeswa nekuda kwemakakatanwa aivepo pakati pevanasikana vatatu avo vainetsana pamusoro pemari yerendi yaibviswa nemaroja.

Moreblessing Ngwarayi (23) anove mumwe wemuhuri iyi uye anogara pamba apa nemurume wake, Tafadzwa Yeukayi Chimhore (28), anoti hapachagarika nekuda kwechipoko chaamai vavo.

Chipoko ichi chinonzi chiri kuuya husiku kana masikati uye  chichisvikomira mumba pasina kutaura.

“Amai vedu vainzi Nyaradzo Kundira vakashaika mugore ra2007 ndivo vaiva muridzi wemba ino iyowo vakasiirwa nababa vavo vainzi Foster vakashaika kare. Amai vakagara nababa vedu vainzi Chihebheru Ngwarayi avo vakatangira amai kufa. Baba vedu vaisava nechekuita nemba iyi sezvo yaiva yevabereki vaamai vedu,” vanodaro Mai Ngwarayi.

Vanoti vakaberekwa vari vasikana vatatu, kusanganisira vaviri vanogara pamba apa nemumwe ari kuSouth Africa.

“Taigara pano kubvira amai vari vapenyu kusvikira vakazoshaika. Takazotanga kunetsana sevana pakashaika amai imba ndokuiswa mumaoko emagweta, vamwe ndokuzofunga kuti ini ndaidya mari yemba kusvikira yakazotengeswa kune vamwewo vanhu.

“Ndinongonzwa kuti yakatengeswa US$10 000, imwe nguva zvichinzi yakatengeswa US$14 500 nekudaro zvinotaurwa zvakawanda. Asi mari yakauya pano iUS$1 400 chete,” vanodaro Mai Ngwarayi.

Vanoti vakaberekwa vari vatatu vachiti ivo, Talent Ngwarayi (32) naFortunate Ngwarayi (29) uyo vari kugara naye pamba pamwechete.

“Imba iyi yakatengeswa nemumiriri (agent) isu tikapihwa US$1 400 iyo takagovana namukoma wangu Talent Ngwarayi ari kuSouth Africa. Imwe yemari iyi hatisati taiona, hatizive kuti zviri kufamba sei sezvo vacho vanonzi vakatenga imba iyi vari kuuya vachiti vave kuda kuunza vanhu vavo pamba apa,” vanodaro Mai Ngwarayi.

“Vacho vakatenga imba nevakatengesa dambudziko rechipoko takavataurira. Vakatengesa vakatipindura kuti chipoko chaiuya kumba kwedu kwete kumahofisi avo, vakatengawo vacho vanoti havana basa nazvo,” vanodaro Mai Ngwarayi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Imba iyi yakatengeswa gore rakapera mumwedzi waMbudzi panova pakabva patanga amai kumuka chipoko. Tinochiona tose tiri vatatu, kubvira kunasisi vari kuSouth Africa nesu tinogara pano. Chipoko chaamai chinouya mumba pasina kutaura vachiratidza kushatirwa.

“Uyuwo mukuwasha anovaona panguva iri kure, kwatinofamba tinonzi vane shungu yekuti imba yakatengeserwe chii.”

Mudzimai uyu anoti nekuda kwekugara achiona chipoko chaamai vake, ava kurwara zvekuti muviri wake wava nechiveve.

“Imba iyi yakambonetsana nemadzisekuru hanzvadzi dzaamai vachida kuitora kusvikira vatadza kubudirira apo zvakanzi nematare edzimhosva isu vana vemufi ndisu taifanirwa kugara pano.

“Vanasekuru ava havachauya kubva ipapo kusvikirawo yakazotengeswa nevakoma vangu. Sisi vari kuSouth Africa vanoti vari kuonawo chipoko chaamai ikoko, isu kuno kumba tatambudzwa nacho.

“Kwatinofamba, zvinonzi amai vedu vane shungu nekutengeswa kwatakaita imba, zvinonziwo tinogona kurasika njere kana kufa nekuda kwenyaya iyi. Amai vanonzi havasi kuda kuti imba iyi igarwe nemumwe munhu,” vanodaro Mai Ngwarayi.

Vanoti kuuya kwechipoko mumba nekuonekwa pachivanze usiku nemasikati machena zvava kuvatyisa.

“Kwanasekuru kumusha kwaamai hatina kuenda kunovazisiva nekuti takabva tatadza kuwirirana nekuda kwemba iyi zvakare sezvo vaiida. Tiri kuronga kuti mukoma vari kuSouth Africa vambouya tifambe pamwechete nekuti tose tiri kuona amai vedu vari vapenyu vachifamba. Avo vakatengeserwa imba iyi tinoda kuti tivadzosere mari yavakatipa tichirega kutengesa imba yacho,” vanodaro Mai Ngwarayi.

Vanhu vanonzi vakatengeserwa imba iyi vakaridzirwa nhare neKwayedza vachibvunzwa nezvenyaya iyi asi vakaramba kuti vakaitenga.

“Hatina zvatinoziva isu, akutaurirai izvozvo ndiyani? Hatina imba yatakatenga kuMufakose isu, ndiyani akupai nhamba dzangu?” anodaro mumwe murume watiine zita rake. Kwayedza ine gwaro rinonzi rakapa mvumo yekutengeswa kwemba iyi.

Sekuru Kanengo, VaJimson Nyasala, vemuguta reHarare vanoyambira vemhuri yekwaNgwarayi kuti mweya wemufi uyu unogona kukonzera matambudziko makuru kwavari kana vakarega kugadzirisa nyaya yemba iri kunetsa iyi.

“Vana ava havana ukama naamai vavo kunyangwe vakaberekwa navo. Mitemo yemazuva ano inoti vemhuri yemufi ndivo varidzi venhaka zvinoreva kuti vanofanirwa kupa imwe room kuhama yaamai ava kuti mweya uyu udzikame. Avo vakatenga imba iyi havambofa vakaigara, ngavadzoserwe mari yavo,” vanodaro Sekuru Kanengo.

Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed  Christian Fellowship Ministries International (RECFEMI) vanotiwo imba iyi inoda kunamatirwa zvakasimba chete kuti dambudziko rechipoko chiri kuonekwa ichi ripere.

“Mwari vanokunda zvose paimba iyi, vanoda kubatsirwa pachinamatirwa chipoko ichi chodzingwa, pogarwa pachinamatirwa nguva dzose,” vanodaro Pastor Muchefa.

Share This:

Sponsored Links