Chirimwa chitsva ‘choyambutsa’ varimi kuZaka

24 Aug, 2022 - 09:08 0 Views
Chirimwa chitsva ‘choyambutsa’ varimi kuZaka VaJoe Machinjika (kuruboshwe) naVaMorris Makavi vachiratidza chirimwa cheruninga kuZaka

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vekudunhu raMambo Bota kuZaka, kuMasvingo vari kupunduka nekurima runinga kana kuti sesame chinova chirimwa chitsva uye chinoita zvakanaka munzvimbo dzinopisa sezvo chisingade mvura yakawanda.
Dunhu reZaka riri muchikamu cheRegion 5 uko kusinganaye mvura zvakanaka zvinoita kuti zvirimwa zvakaita sechibage nenzungu zvigare zvichitsva nezuva mumwaka weZhizha.

Zvisinei nekuti varimi ava vane dhamu reManjirenji riri muberere memisha yavo, vanoti havabvumidzwe kushandisa mvura yacho mumabasa emadiridziro nemamwe akasiyana nekuda kwemitemo ine chekuita nekushandiswa kwedhamu iri.

Zvichakadai, varimi kuZaka vava kurima chirimwa ichi chavanoti chinoita zvakanaka mudunhu iri kana vachienzaniswa nezvimwe zvirimwa.

VaJoe Machinjika (58) vanogara mubhuku raMapfumo, mumwe wevarimi vari kurima runinga.
“Kuno kuZaka kunopisa zvakanyanya, mvura hainaye zvakanaka nekudaro zvirimwa zvedu zvakaita sechibage, maringazuva, nzungu nezvimwe zvinotsva zvisati zvasvika. Kare taimborima mapfunde nemhunga chete, zvino tawedzera neruninga rwatakanzwa nemukurumbira kuti rwunotengwa nemari yakanaka.
“Ini ndakangorima eka imwe chete mwaka wakadarika,” vanodaro VaMachinjika.

Vanoti kune makambani ari kutenga chirimwa ichi kumaguta, zvikuru kuHarare.
VaMorris Makavi (54) vemumusha mumwe chete uyu vanoti vava kurima runinga pamusoro pezvimwe zvakaita sechibage.

“Chirimwa ichi chakaunzwa muno nevarimisi vedu vachiti timboedza sezvo zvimwe zvirimwa zvichitsva nekuti dunhu redu harinaye mvura zvakanaka. Tinotarisira kuti chichatisimudzira, dai tawana kwachinotengwa nemitengo yakanaka tingafare. Ini ndakarima chidimbu cheeka,” vanodaro VaMakavi.

Runinga inogadziriswa mafuta ekubikisa nemamwe emhando yepamusoro uyewo inogadziriswa dovi sezvinongoitwa nzungu. Chirimwa ichi chinonzi pamunda wakatandavara hekita imwe chete, murimi anokwanisa kukohwa masaga ema50 kgs ari pakati pemakumi mana kusvika makumi mashanu.

“Mamiriro ekunze ari kuramba achisanduka mvura ichiita shoma kune dzimwe nzvimbo, asi kumwewo ichiwanda. Saka takaona zvakakodzera kuti tipinde muzvirimwa izvo zvisingade mvura yakawanda sezvinodiwa nenzvimbo yedu kuno kuZaka,” vanodaro VaMakavi.

Runinga isati yanyanya kuzivikanwa zvizere munyika muno, yairimwa kunzvimbo shoma dzinosanganisira Manicaland, Gokwe kuMidlands neMashonaland Central.
Kanzura Toruvanda Togarepi veWard 32 kuZaka East vanoti tarisiro yavo yava pachirimwa ichi kuti dzimwe nguva chingagone kusimudzira varimi veko.

“Kuno hakunaye mvura zvakanaka saka neruninga tine tarisiro yekuti tingapurumuke tokwanisa kurarama zvakanaka,” vanodaro.

Chirimwa ichi chine mukurumbira wekurimwa kunyika dzinosanganisira China, Ethiopia, Mozambique, Egypt, Vietnam, Israel, Turkey neHong Kong.

Runinga inonzi yakatanga ichimera yoga mumasango makore mazhinji akadarika, ndokuzoguma yave kurimwa uye inoibva mukati memazuva 100 kusvika 130.
Chirimwa ichi chinonzi chinotengwa nemari yeUS$ chete kwese kwachinodiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>