Chirongwa chekubaya vana chorumbidzwa

24 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Chirongwa chekubaya vana chorumbidzwa VaItai Rusike

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reCommunity Working Group on Health (CWGH) riri kupembedza danho rakatorwa neHurumende rekubaya nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuvana vane makore 12 okuberekwa zvichikwira richiti izvi zvichabatsira zvakanyanya mukudzivirira kupararira kwedenda iri muzvikoro uye nekuti dzidzo ifambire mberi zvakanaka.

VaItai Rusike, avo vanova director weCWGH, vanoti veruzhinji vanoda kuramba vachidzidziswa pamwe nekuyeuchidzwa kuti chirwere cheCovid-19 chichiriko nokudaro vanofanira kuramba vachidzivirirwa kuburikidza nekubaiwa nhomba, kupfeka mamasiki, kuregedza kuungana nekushambidza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer.

“Zimbabwe yakatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 mumwedzi waKukadzi 2021 nechinangwa chekuti inge ichibaya chikamu che60 percent chevanhu vakakodzera panosvika Zvita 2021. Tinofara kuti svondo rino Hurumende, kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, yakatanga chirongwa chekubaya nhomba vana vane makore 12 ekuberekwa zvichikwira zvinova zvichaita kuti dzidzo inge ichifambira mberi zvakanaka.

“Vana vechikoro vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 nekuti nzvimbo dzavanoswera dzinenge dzakaunganwa zvakanyanya kudarika mumabasa saka vanofanira kudzivirirwa,” vanodaro VaRusike.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyika inosimudzirwa nevanhu vakagwinya nokudaro kana vana nevabereki vakadzivirirwa zvinoita kuti dzidzo inge ichifambira mberi zvakanaka ivo vabereki vachiendawo kumabasa avo pasina zvirongwa zvemalockdown zvinoita kuti mabasa ambomira kuitwa vanhu vagere kudzimba.

“Utano hwenyika hunoita kuti zvinangwa zvemaSustainable Development Goals (SDGs) zvinge zvichizadzisika. Saka vabereki tinoti ipai mvumo kuvana venyu vabaiwe majekiseni aya nekuti akaonekwa nenyanzvi dzezveutano kuti akanaka mukuvadzivirira kuCovid-19.”

Share This:

Sponsored Links