Chirongwa chekupa vana chikafu chosimbaradzwa

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Chirongwa chekupa vana chikafu chosimbaradzwa VaEdgar Moyo

Kwayedza

Blessing Chidakwa

HURUMENDE inoti yakatenga chikafu chinokosha $17 miriyoni izvo zvichaona vana vechikoro vachiwaniswa chikafu chakakwana pasi pechirongwa cheHome Grown School Feeding Programme (HGSFP).

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, VaEdgar Moyo, nguva pfupi yadarika.

Vanoti temu ino, vana vose veEarly Child Development (ECD) kusvika kuGrade 7, vachawana kudya kunovaka muviri muzvikoro zvavo.

Pakutanga kwechirongwa ichi, vana veECD bedzi ndivo vaiwaniswa kudya kwemhando iyi.

VaMoyo vanoti chirongwa chekupihwa chikafu kuvadzidzi ichi chiri kubatsira vana vanodarika 4,5 miriyoni uye kubva paongororo yakaitwa munyika, zvakaonekwa kuti zvikoro 9 566 zviri kubatsirika pasi pechirongwa ichochi.

“Vana vechikoro ndivo vari kunyanya kutambudzwa nenzara, nokudaro ibasa reHurumende kuti ione kuti vachengetedzwa panyaya dzeutano,” vanodaro.

“Bazi redu ranga riri kuwaniswa mari yekuona kuti tatenga chikafu chinovaka muviri sezvo range riri dambudziko raitaurwa nezvaro kubvira mumwedzi waKurume. Saka takawana $6 miriyoni mumwedzi waChikumi kureva kuti mumasvondo mashomanana anotevera tichange tava ne$8,8 miriyoni yekutenga chikafu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hurumende haisi kunyanya kushushikana nenyaya yekuwanisa vadzidzi chikafu asi kuti inotarisawo zvekare kuti chinobatsirawo zvakadii kuutano hwavo. Zvisinei, Hurumende iri kushushikana nemamwe mashoko ari kubuda anoti zvimwe zvikoro zviri kukundikana kuenda kunotora chikafu ichi zvinova zviri kudzorera chirongwa ichi kumashure.”

Share This:

Sponsored Links