Chirongwa chekupfuya mombe chosimudzirwa

02 Dec, 2021 - 10:12 0 Views
Chirongwa chekupfuya mombe chosimudzirwa Cde Vangelis Haritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa – Cde Vangelis Haritatos – svondo rapera vakaparura chirongwa cheMombe Mari Trust kupurazi reLand Sand Farm riri kuNorton chinova chiri kubatsira zvikuru mukusimudzira mabasa ekupfuya kwemombe munyika.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nekambani yeSilverback Asset Management Company.
“Ndinofara zvikuru nekuva nemifungo yepamberi uye hunyanzvi huri kuitwa pano mukusimudzira indasitiri yemombe nekuti ndizvo zvinoita kuti Zimbabwe irambe ichisimukira munyaya dzezveupfumi. Kuita mabhizimusi ekuchengeta mombe muAfrica kwakakosha nekuti mari dzemombe dzinoramba dzisingadonhe pamitengo mumisika.

“Bazi redu rakaparura chirongwa cheLivestock Recovery and Growth Plan chinova chikamu cheAgriculture and Food Systems Transformation Strategy icho chine chinangwa chekuunza mari inosvika US$8,2 bhiriyoni yekusimudzira upfumi hwenyika panosvika gore ra2025,” vanodaro.
Cde Haritatos vanoti chirongwa ichi chine chinangwa zvakare chekusimudzira nyaya dzekuwanikwa kwechikafu, kusanganisirawo chemombe, chakakwana munyika.

Vanoti chinoenderana zvakare nechirongwa chekusimudzira upfumi hweZimbabwe cheNational Development Strategy 1 (NDS1).

“Chikamu chinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo chiri kuita mabasa makukutu munyaya dzebudiriro yenyika apo chinowanisa mukaka, nyama nemabasa pakati pezvimwe zvinowanikwa kubva muzvipfuyo zvichishandiswa mukugadzira zvimwe zvakakosha muupenyu zvichizotengeswa muno nekunze.

“Kuburikidza nebudiriro yatiri kuona, pane mukana mukuru wekuti nyika inogona kuzadzikisa zvinangwa zvayo zveVision 2030. Kusimudzirwa kwechirongwa cheAgriculture and Food Systems Transformation Strategy kunopembedzwa uye nhasi uno tinofara nezviri kuitwa neveMombe Mari Trust kusimudzira kuchengetwa kwezvipfuyo,” vanodaro.

Cde Haritatos vanokurudzira vatsigiri vakasiyana kuti vasimudzire mabasa ekurima. “Indasitiri yedu yezvenyama yemombe inofarirwa zvikuru mudunhu reSouthern Africa uye taimbotengesa nyama yemombe kunze kwenyika tichiwana US$50 miriyoni pagore, zvikuru kumisika iri kuEurope. Saka tinoda kumutsiridza indasitiri yedu kuti idzokere pekare asi zvese izvi zvinobva mumushandirapamwe, kunyanya pakati peHurumende nemasangano akazvimiririra zvichibatsira kuti tiwane mari yekunze,” vanodaro.

Cde Haritatos vanotenda mushandirapamwe uri pakati peSilverback neFanwell Farm unova uri kuunza pundutso.

“Mombe dzataona pano dzine utano hwemhando yepamusoro uye mushure mekushanyira mimwe mizinda yedu iri kudunhu reMatabeleland, tinoti Zimbabwe ine mukana mukuru wekuita zvikukutu munyaya dzekupfuya mombe. Gore rino, tiri kutarisira kuwana mvura yakawanda yekunaya zvinova zvichabatsira kuti tiwane kudya kwakaringana kusanganisira chikafu chezvipfuyo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links