Chirongwa chekusima miti

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Chirongwa chekusima miti Ella Chikoto wekuNyaradzo Funeral Services (pakati) aina Vannesa Chimoza (kuruboshwe) naRutendo Marowa vachisima muti paBradley High School svondo radarika.

Kwayedza

Abel Ndooka
VANA vechikoro vari kurumbidza chirongwa chiri kuitwa neFriends of the Environment yakabatana nekambani yeNyaradzo Funeral Services nebepanhau reKwayedza chekusima miti muzvikoro vachiti vari kudzidza zvakawanda pamusoro pekukosha kwemiti nemabasa ayo.

Pasi pechirongwa ichi, svondo rapera miti 200, inosanganisira yemichero, yakasimwa pachikoro cheBradley High School chiri kuMashonaland Central.

Pagungano iri paive nevana vakabva muzvikoro zvinoti Bradley High, Bradley Primary neMutumba Secondary .

Chirongwa ichi chakavambwa makore adarika paine hurongwa hwekusima miti inosvika 500 miriyoni nechinangwa chekurwisa kutemwa kwemiti munyika.

Zvikoro, makiriniki, zvipatara, machechi nevanhuwo zvavo kumatunhu akasiyana eZimbabwe vabatsirikana pasi pechirongwa chinovawanisa miti pachena ichi.

Vannesa Chimoza (16) – uyo ari kuita Form 4 paBradley High anoti chirongwa ichi chamubatsira zvikuru kuti azive kukosha kwemiti uye achagara achiisima.

“Ini hangu izvi zvakandikoshera, ndiri kuzvigamuchira uye ndiri kudzidza zvakawanda kubva kwazviri nekudaro ndichagara ndichisima miti. Ndiri kudzidza kuti miti upenyu,” anoadaro Chimoza.

Rutendo Marowa (17) uyo ari kuita Fomu pachikoro chimwe chete ichi anoti chirongwa ichi chiri kumubatsira zvikuru mukuziva mabasa akasiyana emiti.

“Mweya wakanaka watinofema unobva mumiti, saka zvakakosha kuti tiichengetedze uye kuti tirambe tichisima mimwe,” anodaro Marowa.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro cheBradley High School, VaFoster Ruwiza, vanotenda masangano ari kushanda pamwe chete aya nekuvapa miti.

“Nharaunda yedu yakakosha zvikuru uye vana vanofanirwa kudzidziswa izvozvo, saka chirongwa ichi chakatikoshera. Pano tasima miti 200 asi taishuvira kusima 300. Mimwe yacho miti yemichero iyo ichatipa chikafu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey