Chirongwa chekusimbaradza dzidzo

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Chirongwa chekusimbaradza dzidzo

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti dzidzo yekumakoreji nemayunivhesiti inofanira kuve nehudzamu ichienderana nezvinodiwa mumaindasitiri kuitira kusimudzira budiriro yenyika.

Vakataura mashoko aya muHarare nemusi weChipiri svondo rino pamusangano weInternationalisation of Higher and Tertiary Education (IHTE), chinova chirongwa chakananga kusimudzira kudyidzana kwevadzidzi vemuno nevekune dzimwe nyika.

Professor Amon Murwira vanoti chirongwa ichi chichabatsira vadzidzi kuti vange vachifunda zvinhu zvinoita kuti vazokwanisa kunobata mabasa zvine hunyanzvi mumaindasitiri.

“Chirongwa cheIHTE chichabatsira kuti vadzidzi vekune dzimwe nyika vawane mikana yekudzidza muno, kuumba kudyidzana pakati penyika ino nedzimwe nekutumira vadzidzi vemuno kuti vanofunda kunze kwenyika. Pamusoro pezvo, chichabatsirazve pakuvakwa kwedzimba dzinogarwa nevadzidzi vemuno apo vanenge vachifunda vari kunze nekuita ongororo takabatana nedzimwe nyika,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti chinangwa cheHurumende ndechekuti panosvika gore ra2030 pange pavakwa makoreji nemayunivhesiti akawanda nedonzvo rekusimudzira dzidzo, ongororo pamwe nebudiriro yemaindasitiri.

“Hatidi kungova nemayunivhesiti anongobura vadzidzi vasingawani mabasa nekuti zvinoderedza budiriro yenyika. Kuti nyika yedu ibudirire, tinofanira kurwisa nyaya dzenzara, kushaikwa kwemabasa, kusaenzaniswa kwemikana uye zvinoda kuti dzidzo inge ichitsigirwa zvakasimba – vadzidzi vachifundiswa mabasa akasiyana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ongororo yakaitwa neHurumende kuburikidza nebazi redu inoratidza kuti kunyangwe zvazvo Zimbabwe iine vanhu vakafunda vakawanda vane chikamu che94% chekugona kunyora nekuverenga, chikamu chevane hunyanzvi hwekuita mabasa chichakaderera zvikuru sezvo chiri pa38%.”

VaJohn Quirk

Vanoti Zimbabwe ine kushomeka kwakanyanya kwevanhu vane ruzivo rwemabasa akadai seEngineering and Technology, Applied Science, Medical and Health Sciences uye kuchikamu chezvekurima.

“Tine hunyanzvi hwakanyanya kuzvidzidzo zveCommerce, Business, Arts neHumanities. Kuti tibudirire, tinofanira kuwana vadzidzi vakawanda vane ruzivo rwunofambirana nezviri muindasitiri,” vanodaro.

Prof Murwira vanotenda rutsigiro rwavari kuwana kubva kuna director weGlobal Engagement kuUniversity of Nottingham, VaJohn Quirk, naDr Evelyn Garwe avo vakafanobata chigaro chachamangwiza weZimbabwe Council for Higher Education (ZIMCHE) nevamwe vakawanda.

Vachitaura pamusangano uyu, VaQuirk vanoti chirongwa ichi chichaona vadzidzi vakawanda vemuno vachienda kunodzidza kunze apowo vekune dzimwe nyika vachiuyawo kuzodzidza muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>