Uncategorized

Chirongwa chekutoresa magwaro chorumbidzwa

07 Mar, 2022 - 07:03 0 Views
Chirongwa chekutoresa  magwaro chorumbidzwa Mai Kudzayi Khosa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MASANGANO anorwirwa kodzero dzevana orumbidza Hurumende nematanho airi kutora ekuona kuti vana vawaniswa magwaro ekuzvarwa kuburikidza nenzira iri nyore, zvikuru panguva ino yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Izvi zvakabuda pagungano rakaitwa nemasangano aya kwemazuva maviri muguta reHarare.

Munguva pfupi iri kutevera, zvikwata zvevashandi vehofisi yekwamudzviti zvichafamba kumativi mana enyika vachitoresa magwaro ekuzvarwa kwevana, zvitupa nemamwe akasiyana-siyana.

Kuwaniswa kwemagwaro ekuzvarwa kuvana kunofambirana nemutemo weArticle 7 of the United Nations Convention on the Rights of the Child (UNCRC) uye Article 6 of the African Charter on the Rights and Welfare of the Child (ACRWC).

Mutemo uyu unotsanangura kuti mwana wese ane kodzero yekuwaniswa magwaro ekuzvarwa uye chitupa.

Vachitaura pamusangano uyu, Mai Kudzai Khosa vanova programmes manager wesangano reZimbabwe National Council for the Welfare of Children (ZNCWC) vanoti vanofara zvikuru nematanho ari kutorwa neHurumende ekuona kuti mwana wese awaniswa magwaro ekuzvarwa panguva iyo anenge achangobva kubarwa.

“Hurumende iri kuita mabasa makukutu ekuona kuti mwana wese awaniswa magwaro ekuzvarwa uye magwaro aya akanakira kuti anenge achitova nenhamba dzechitupa zvinoreva kuti mwana anenge atova nemasimba ekuzozvitoresa chitupa ari ega pasina vabereki.

Tinozvitenda zvikuru nekuti mukukura kwevana pane mikana yekuparadzana nevabereki apo vanonoshanda kune dzimwe nyika uye kana rufu chairwo, zvikuru sei munguva ino yechirwere cheCovid-19, saka danho iri tinoripembedza,” vanodaro.

Vanoti bumbiro remutemo weZimbabwe rinokoshesa zvakare kuwaniswa kwemagwaro ekuzvarwa kune vana vose.

“Kuwaniswa kwemagwaro ekuzvarwa kuvana kunoita kuti vakwanise kucherechedzwa sevagari vemuno uye kuti vakwanise kuverengwa apo panoitwa ongororo yehuwandu hwevanhu munyika. Izvi zvinobatsira kuti vana vakwanise kurongerwa remagwana ravo, mungava munyaya dzezveutano, chengetedzo, dzidzo nezvimwe zvese zvakavanakira muraramo yavo,” vanodaro.

Chirongwa chezvikwata zvehofisi yekwamudzviti vachafamba vachitoresa magwaro akasiyana chichatanga munaKubvumbi kusvika Gunyana 2022.

“Bazi rinoona nezvinoitika mukati menyika rakazivisa kuti vanhu 2 miriyoni vari muZimbabwe vanofanira kuwaniswa magwaro ekuzvarwa, zvitupa nemamwe magwaro anodiwa kuitira kuti pave nekuvharwa kwemikaha iripo.

Tinotenda zvekare Hurumende nekuita kuti vana vaye vanozvarwa kunze kwewanano vange vachiwaniswa magwaro vakamiririrwa nanababa vavo, zvikuru sei kana amai vemwana vasiri kuzivikanwa kwavari nekuti zvinoratidza kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye zvakanakira vana,” vanodaro.

Mai Khosa vanoti mamwe ematambudziko akakonzera kuti pane nemukaha mukuru mukuwaniswa kwemagwaro ekuzvarwa aya kubva muna2019 anosangnisira nhau dzekusanduka kwemamiriro ekunze apo nyika yakaita dambudziko remafashamu eCylone Idai mugore iri uye nekunyuka kwechirwere cheCovid-19  muna2020.

Nyaradzo Mashayamombe anova director wesangano rinomiririra kodzero dzevana reTag A Life anoti zvakakosha kuti veruzhinji vawaniswe mashoko azere maringe nezvekukosha kwekutoresa vana magwaro ekuzvarwa.

“Tinokurudzira vemahofisi anotoresa magwaro kuti vafambe vachikusha mashoko kune veruzhinji maringe nenzvimbo dzavanowanikwa. Vana vanorarama vari mumigwagwa vane kodzero zvekare yekuwaniswa magwaro aya,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links