Chirongwa chePfumvudza chorumbidzwa

10 Sep, 2024 - 13:09 0 Views
Chirongwa chePfumvudza chorumbidzwa Makomba ePfumvudza

Kingstone Mapupu

VARIMI vekuward 15 kudunhu reMhondoro-Mubayira, kuMashonaland West, vari kurumbidzwa nekuda kwekusimudzira chirongwa cheHurumende chePfumvudza uko kunonzi varimi ava vakatopedza gadziriro dzechirongwa ichi nekuchera makomba anodiwa.

Murimisi wenzvimbo iyi Mai Musline Matemavi, vanoti chirongwa chePfumvudza chabudirira zvikuru mudunhu ravo izvo zvavanoti zvabvisa nzara mumisha yevarimi vazhinji.

“Nzvimbo yangu  yeward 15 ine madzishe maviri anoti Chivero naNyamweda. Nzvimbo yandinomirira semudhomini inobatanidza kumaruwa nekumapurazi nevanhu vakagariswa patsva nevashandi vanogara mumakomboni. Ndinobatawo chikamu  chekuward 18, mapurazi andinawo anosanganisa ekudunhu raMambo Chivero kuSandringham kuChivero Mission Farm, kuChibero College papurazi reIdis Farm, Rock Farm, ndine varimi vemaA1 nemaA2,” vanodaro Mai Matemavi.

Vanoti varimi vechikamu chemaA2 havapinde muchirongwa chePfumvudza, avo vavanoti vane chikamu chavo chezvekurimisa zvavanopihwa neHurumende vavanoshanda navo zvakare.

“Muchirongwa chePfumvudza takadzidzisa varimi 1 500 nzira dzekurima Pfumvudza, murimi woga-woga anofanirwa kurima maplots mana, plot imwe chete yakakura 39 metres kureba nekupamhamha 16 metres. Pamaplots aya rimwe chete rinofanirwa kuita rema’oil seeds’ zvinosanganisa nzungu nemaringazuva uyewo maplots mana oita ose echibage,” vanodaro.

Mai Matemavi vanoti hekita imwe chete inotakura maplots gumi nematanhatu (16) .

“Zvichakadai, varimi vechikamu chinodarika pakati nepakati vakatopedza kuchera makomba ePfumvudza vakaisa zvose nemanyowa zvekuti vangomirira kuti mvura inaye vagodyara. Tangomirira zvekurimisa chete,” vanodaro.

Vanoti munzvimbo yavo vane varimi vashanu vemaA1, koita varimi vanogara mumakomboni mashanu, uyewo vane varimi vemaA2 zvakare vavanoshanda navo.

Vanoti vane dambudziko nevarimi vanosiya vashandi voga pamapurazi nepamisha vachiti ivava havauye kumisangano.

“Dambudziko redu guru ndere varimi vanosiya vashandi voga pamapurazi kana pamisha vatinoti maCellphone farmers, vashandi vavo havaende kumisangano kureva kuti vanogara vasingazive zviri kuitika voguma vatadza kutambira zvekurimisa nenguva,” vanodaro Mai Matemavi.

Vanoti nyanzvi dzezvemamiriro ekunze dzakavimbisa kuti kuchanaya mvura inokwanira mwaka weZhizha uri kutevera ndokukurudzira varimi kushandisa mukana uyu.

“Minda mizhinji, angova makomba oga-oga ePfumvudza, mwaka weZhizha wakadarika tine varimi vakaita zvidavado muno vakakohwa pakuru. Tinotarisira kuti mwaka uri kutevera varimi vedu vachaita goho guru kudarika mwaka wapera.”

Mai Matemavi vanokurudzira varimi kudyara mbesa dzakasiyana mumwaka uri kutevera nekudyara nguva dzakasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey

×

ZTN Feedback Survey

ZTN

Scan the QR code on the poster or click the link below to share your thoughts.

Take Survey