Chirongwa chikubaya vakawanda nhomba

18 Mar, 2022 - 08:03 0 Views
Chirongwa chikubaya vakawanda nhomba

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke

HURUMENDE nemusi weMuvhuro ichatanga chirongwa chekubaya nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuchikamu chikuru chevanhu vanosanganisira vana vane makore 12 okuberekwa zvichikwira, sedanho rekusimudzira kubaiwa kweruzhinji majekiseni aya.

Zvisinei nekuvepo kwemushonga, chirongwa chekubaya nhomba, icho chakatanga gore radarika, hachizi kuona vanhu vakawanda vachibaiwa.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, vakafanobata chigaro chegurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Cde Mangaliso Ndlovu – vanoti zvakakosha kuti munhu wose abaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19.

“Chirongwa chikuru chekubaya nhomba kumativi ose enyika chichatanga neMuvhuro 21 Kurume 2020 uye Hurumende iri kukurudzira vasati vabaiwa kuti vatore mukana wechirongwa ichi,” vanodaro.

Mwedzi wadarika, dare reCabinet rakabvumidza kuti vane makore 12 okuberekwa vabaiwe nhomba mushure mekunge sangano rePaediatric Association of Zimbabwe, unove mubatanidzwa wenyanzvi dzezveutano hwevana, raita ongororo yakadzama rikaona zvakakodzera kuti vemazera aya vabaiwe majekiseni.

Izvi zvinoreva kuti vane makore 12 kusvika 15 okuberekwa vachange vave kubaiwa nhomba mushure mekunge vemakore 16 kusvika 17 vatanga kubaiwa gore rapera.

Hurumende ine zvikwata zveveutano zvichaenda muzvikoro zvesekondari zvichibaya vadzidzi nevamwe vanhu nhomba.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 4,4 miriyoni vabaiwa nhomba yekutanga (first dose) apo 3,4 miriyoni vabaiwa yechipiri (second dose).

Vamwe vanodarika 165 000 vabaiwa nhomba yechitatu (booster)

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni kuti pange paine kudzivirirwa kubva kudenda iri.

Cde Ndlovu vanoti chirwere cheCovid-19 chichirimo munyika muno nekudaro veruzhinji vanofanirwa kuramba vachizvidzivirira kubva kudenda iri.

“Hurumende iri kukumbira zvizvarwa zveZimbabwe zvose kuti vakoshese chirwere cheCovid-19 uye vatevedzere mitemo yose yakatarwa neWorld Health Organisation pamwe neyenyika nguva dzose.

“Mitemo iyi inosanganisira zvinotevera: kupfekwa kwemamask nenzira kwayo, kushambidzwa kwemaoko uye nekusaita chitsokotsoko. Veruzhinji vari kukurudzirwa zvakare kuti vazvichengetedze nguva dzose kuitira kuti vasatapurirwe denda iri,” vanodaro Cde Ndlovu.

Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi huri kukwira kubvira masvondo adarika apo 3 306 vakabatwa nedenda iri svondo rapera, kubva pa3 234 vhiki radarika pamberi zvakabva zvaita kuti huwandu uhu pamwe chete huende pa5 151.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 kunonzi kuri kukonzerwa nekunyuka kwedenda iri muzvikoro uye vadzidzi 606 vabatwa nechirwere ichi kubvira pakatanga temu yekutanga.

“Vakawanda vevadzidzi vakawanikwa vaine chirwere ichi (422) vanodzidza vachibva kudzimba, unove mucherechedzo wekuti hutachiona uhu huri kubva munharaunda,” vanodaro Cde Ndlovu.

Share This:

Sponsored Links