Chirongwa choumba matarenda muvana

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Chirongwa choumba matarenda muvana Prof Mavima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, svondo rapera vakanyorerana chibvumirano chemushandirapamwe nesangano rezvemachechi rakabva kuSouth Korea, reInternational Youth Fellowship, nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvinosanganisira zvekurima nezvekuimba.

Sangano reIYF rine mukurumbira pasi rose wekuzivikanwa nekuvandudza pfungwa dzevana vechikoro kuti vasasimbirire zvisina pundutso kwavari kuburikidza nekuita zvirongwa zvakasiyana.

Prof Mavima vanoti kune zvinhu zvakawanda zvinogona kukanganisa vana mufundo yavo izvo vanopedzisira vave kurovedzera mazviri.

“Tine vana vakatofa nekuda kwekurovedzera munyaya dzekuramba vachitamba mitambo yakasiyana pamakombiyuta zvekutotadza kudya sadza (gaming addiction), kutamba njuga, kutora zvinodhaka, kuita chingochani nekuroorwa nekukasika, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti zvakakosha kuti vana vakure vaine hunhu hunoyemurika.

“Kana vana vechikoro vakaziva Mwari, vachiparidzirwa shoko uye kupinda muzvirongwa zvemakwaya echechi, havazopedzeri nguva yavo muzvinhu zvakaipa. Shoko raMwari rinovhura pfungwa dzemunhu kuti azive zvakanakira upenyu hwake nekutya kutadza, ndicho chikonzero tiri kusainirana chibvumirano nesangano reIYF,” vanodaro.

Vanoti kune zvipo zvevana zvinokwaniswa kuburwa munyaya dzekuimba kana kushumira.

Prof Mavima vanopa muenzaniso wekwaya ine mukurumbira yeThe Gracious Ministries avo vakawana mibairo mikuru kunyika dzakasiyana kuburikidza nekuimba.

“Ndinotenda zvikuru sangano reIYF nekubatsira muzvirongwa zvinoita kuti vadzidzi vemuZimbabwe vakwanise kushanyira South Korea kubvira mugore ra2017 kuitira kuti vechidiki vange vachinozvionera mabasa makukutu amuri kuitira zviuru nezviuru zvevadzidzi avo vanobva kunyika dzakasiyana. Vadzidzi vanofanira kuwana nguva yekusandurwa pfungwa dzavo nekuti munguva zhinji vanenge vakatarisana nezvinhu zvinovakanganisa raramo yavo apo vanozvitora nenzira yakapfurikidza.

“Kujaira kushandisa indaneti kwakanaka asi kana munhu akazozviita zvakapfurikidza, anogona kupedzisira ave kurasika njere. Dzidziso yekushandisa zvakanaka ruzivo rwazvizvino-zvino nemimwe midziyo inoda kupihwa kuvadzidzi kuti isazovakanganise mune ramangwana,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti nyika yeSouth Korea inozivikanwa nekutengesa mafuta edzimotokari nenharembozha zvisinei nekuti havana zvimwe zviwanikwa zvakaita sezvicherwa.

“Chibvumirano ichi chichabatsira mukusimudzira dzidzo munyaya dzekurima apo varairidzi vachange vachibatsirikana munyaya dzekurima uye dunhu rimwe nerimwe richasarudza varairidzi avo vachafundiswa zvekurima pasi pechirongwa cheIYF kuSouth Korea.

Mushure meizvi, IYF ichazobatsira varairidzi nevadzidzi kuti vazogadzira muzinda wavo wekurima muZimbabwe,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti sangano reIYF ndiro rakadzidzisa dzimwe dzenyanzvi dzekuimba pasi rose nokudaro kuburikidza nechibvumirano ichi, chimwe chezvikoro zviri kuBulawayo chichabatsirinaka pakuimba, kusanganisira zvikoro zvemuHarare.

“Tiri kuita hurukuro yekuti IYF inge ichiita muzinda muno wekufundisa vadzidzi muzvirongwa zvakasiyana zvinovandudza upenyu hwavo,” vanodaro.

Dr Hun Mok Lee, avo vanova Secretary General kusagano reIYF, vanoti vamwe vana vanogona kukundikana mudzidzo yavo asi vachibudirira muzvipo zvavakabarwa nazvo kana zvichinge zvaumbiridzwa.

Pagungano iri, vanhu vakatandadzwa nemimhanzi yenhengo dzeIYF idzo dzaiimba nekuridza magitare zvinonwisa mvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>