Uncategorized

Chirwere checholera chorwiswa

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Chirwere checholera chorwiswa Vamwe varwere vairapwa paCholera Camp iri paBeatrice Infectious Diseases Hospital, muHarare, nemusi weMuvhuro svondo rino.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HUWANDU hwevanhu varasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere checholera munzvimbo yeGlen View neBudiriro, muHarare, hwainge hwakwira kubva pa16 kuenda pa20 nemusi weChipiri svondo rino uye pari kutyirwa kuti hunogona kuwedzera zvichitevera kunyuka kuri kuita dzimwe nyaya dzechirwere ichi apo veutano vari mushishi kuchirwisa.
Svondo rino Hurumende yakadzika danho rekuti chirwere ichi rava dambudziko rinoda kurwiswa nemushandirapamwe (state of emergency) kuti chipere.Chirwere chemanyoka echolera ichi chiri kuramba chichitekeshera mune mamwe matunhu anosanganisira Gokwe, kuMidlands, Chitungwiza, Buhera neRusape.
Mumusha weGlen View, vanhu vari kubatsirwa nemapiritsi anochenesa mvura, sipo uye migomo yekuchengetedzera mvura pamwe nekuvhenekwa chirwere ichi.
Veruzhinji vari kushora makanzuru panyaya yekusatakura marara, kusawanisa vanhu mvura yakakwana uye yakachena mumapombi izvo zviri kukonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka secholera, typhoid, dysentery nezvimwe.
Dr Clememce Duri, avo vanova mukuru wezveutano mukanzuru yeHarare, vanoti vacharamba vachicherechedza nzvimbo dziri kunyuka chirwere ichi.
“Huwandu hwevanhu vafa nekuda kwechirwere chinofungirwa kuti icholera hwabva pa16 kuenda pa20 uye varwere vane chirwere ichi vadarike 2 000.
“Vanhu vakapihwa mibhedha paBeatrice Infectious Diseases Hospital vave 106 asi vamwe vari kurapwa vachidzokera kumba. Takatombomisa kushandiswa kwezvimwe zvibhorani sepaTichagarika, kuGlen View, mushure mekuonekwa kuti zvainge zviine mabhakitiriya anokonzera cholera netyphoid,” vanodaro.
Dr Duri vanoti vagari venzvimbo iyi vari kurapwa pachena uye vazhinji vavo vaishanyira zvipatara nenguva.
Vanokurudzira veruzhinji kuti vagare vakashambidzika pamwe nenharaunda dzavanogara, zvikuru mukugeza maoko mushure mekushanyira zvimbuzi, kuregedza kutenga chikafu chinobikwa pose-pose uye kushandisa mishonga inochenesa mvura yekunwa.
Vanoti mvura yemuzvibhorani inofanira kucheneswa nemishonga iyi pane kuti vanhu vangofungira kuti yakachena.
Zvichakadai, kumatunhu akasiyana bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakatoumba mizinda iyo vanhu vanoenda vachinorapwa chirwere ichi.
Vagari venzvimbo yeMufakose inova iri pedyo neBudiriro vave kutyirawo kunyuka kwechirwere ichi zvichitevera kutushuka kuri kuita tsvina yesuweji munzvimbo mavo, zvimwe chetezvo nemuMbare umo munopindwa nevatengesi vanobva kumatunhu akasiyana.
Apowo vabereki vazhinji vari kutyira kutekeshera kwechirwere ichi muzvikoro umo musina mvura nezvimbuzi zvakakwana.
Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana iro richangobva kugadzwa, Dr Obadiah Moyo, vanoti vari kushanda pamwe nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari mukuita ongororo yekuona kuti zvikoro zvingavharwe here kana kuti kwete zvichitevera kunyuka kwecholera.
Sangano reWorld Health Organisation (WHO) rinoti mumwedzi waMbudzi mugore ra2008 vanhu 6 072 vakabatwa nechirwere ichi muZimbabwe apo 294 vavo vakarasikirwa neupenyu.
Chirwere checholera chinokonzerwa nebhakitiriya rinonzi vibro cholerae uye chinokwanisa kudzivirirwa nekushambidzika kwenharaunda, chikafu chinodyiwa nevanhu uye kunwa mvura yakawanda nekushandisa mushonga unodaidzwa kuti tetracycline.

Share This:

Sponsored Links