Chirwere chemaPiles

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAPILES zvinoreva marwadzo uye kuzvimba kunoita tsinga dzakapoteredza nzvimbo inoraswa nayo tsvina kana pedyo nekumuromo weura hunorasa tsvina (rectum).

Munhu ane maPiles anonzwa kunge ane twumabhora twudiki kana kuti tumapundu twakazvimba nechemukati uye anorwadziwa zvikuru zvisinei nekuti haana njodzi yakanyanya yaanokonzera kuupenyu hwemunhu.

MaPiles anowanzobata madzimai akazvitakura asi achizopera oga.

Anoita kuti munhu anetseke pakuita tsvina, zvikuru iya inenge yakaomarara uye dzimwe nguva anokura zvakanyanya achikonzera marwadzo.

Zviratidzo zvemaPiles:

Kuomarara, kurwadziwa uye dzimwe nguva kubuda ropa panzvimbo yakakomberedza nzira inobuda netsvina.

MaPiles anogona kurwadza munhu kwemazuva achimbomira asi achizotanga zvakare. Kuvaviwa panzvimbo inoita tsvina hazvirevi kuti unenge uine maPiles asi kuti zvinogona kunge zviri zvimwe zvirwere kana makonye.

Kudzivirira maPiles:

– Onai kuti nzvimbo inorasa tsvina yagara yakachena. Zvakakosha kugeza nemvura inodziya kuitira kuti unyatsochena uye marwadzo aderere.

– Isa mushonga unodaidzwa kuti Zinc Oxide ungava uri wehupfu kana kuti wakakora kana kuti mafuta ekuzora kuitira kuti nzvimbo ine marwadzo igare yakapfava uye kuti tsvina ibude nyore.

—  Kune zvakare mishonga yaunofanira kunyorerwa nemachiremba kuti ushandise.

— Zvipfeko zvako zvemukati ngazvive zvakagadzirwa nejira redonje uye zvisingabati zvakanyanya.

— Inwa mvura kana zvinwiwa zvakawanda nekudya michero kuitira kuti tsvina yako ibude yakapfava.

– Idya chikafu chine roughage yakawanda sechingwa chegorosi kuitira kuti usaomerwe zvakanyanya.

– Usatora nguva refu wakangogara panzvimbo imwe chete.

– Zvipe nguva yakati wandei uchiita tsvina pane kumanikidzira nekuti unowedzera marwadzo.

Ona chiremba:

— Kana uchinge uchirasikirwa neropa zvakanyanya uye rakasviba.

— Kana uchiramba uchibuda ropa kwesvondo rose zvisinei nekuti unenge wapihwa mushonga nachiremba.

— Kana marwadzo acho achiramba akasimbarara

Ruzivo urwu tinorwuwana kubva mubhuku resangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinonzi “Utano Hwako, Upenyu Hwako”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey