Chirwere chichiriko’

26 Feb, 2021 - 16:02 0 Views
Chirwere chichiriko’ Tafadzwa 'RG Dicoma Anomala' Kanjirai

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemadhirama achiita zvekare zvemimhanzi nekunyora mabhuku – Tafadzwa Kanjirai, uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti RG Dicoma Anomala – anoti chenjedzo pamusoro pechirwere cheCovid-19 haifanirwe kumbomira sezvo pasina munhu anoziva kuti denda iri rinopera rinhi.

RG Dicoma Anomala ane mutambo waachangobura unonzi “Love Life not Beer Corona is Real” uyo anoti akanyora zvichitevera nyaya dzemamwe mabhawa anonzi ari kuvhurwa panguva ino apo asiri kutenderwa kushanda senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Tarasikirwa nehama neshamwari dzakawanda nekuda kwecorona (Covid-19), saka tinofanira kukoshesa upenyu hwedu nevari pedyo nesu. Isu vari mune zvemitambo ibasa redu kupa chenjedzo yekuti Covid-19 ichiriko uye inouraya, saka tinofanirwa kutevedzera mitemo yose inodiwa kuti chirwere ichi chisapararire.

“Ndine mutambo wandakaita unonzi Love Life not Beer, Corona is Real uyo ndinopa vanhu chenjedzo kuti zvimwe zvinhu zvatinokoshesa mazuva ano zvinogona kutiparira. Munhu ukaona kuti nhomba yedoro yabata, zviri nani kuenda unotenga kuzvitoro zvinotenderwa wonwira hako pamba pako pane kuenda kumabhawa ari kuvhurwa nerweseri izvo zvisingatenderwe panguva ino,” anodaro.

RG Dicoma Anomala anoenderera mberi achiti, “Ukatarisisa mumabhawa acho mazhinji, vanhu vanenge vasina kupfeka mamasiki uye hapana paunozorwa sanitizer chaiyo. Saka ngatikoshese upenyu hwedu nguva dzose.”

Muchinda uyu ane mimwe mitambo yaakaita inosanganisira Ndoita Zano Ripi, Kuomesa Musoro uye akwanisa kunyora mabhuku Maidei naKuvhundutsa Vanhu, pakati pemamwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>