Chirwere ichi chichiriko

08 May, 2020 - 00:05 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE iye zvino yapinda padanho rechipiri — Level 2 lockdown – rekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 icho kusvika pari zvino chabata vanhu vanosvika 34 muno.

Vana (4) vevanhu ava vakashaya kuchiti vashanu vavo vakatonaya.

Pasi pechidanho chechipiri ichi — kusiyana nepakutanga — Hurumende yakatendera kuti makambani akakosha mukusimudzira upfumi hwenyika atange kushanda zvakare vashandi vachienda kumabasa.

Zvakakosha kuziva kuti Covid-19 ichiriko uye munhu wose anofanira kutora matanho ekudzivirira kupararira kwayo.

Pasi peLevel 2, Hurumende yakadzika matanho akasiyana nedonzvo rekudzivirira kupararira kwecoronavirus iyo inokonzera Covid-19.

Matanho aya anosanganisira kuti munhu wose anofanira kupfeka masiki kana ava kufamba achibva pamba pake achienda paruzhinji.

Mamasiki ane basa guru mukurwisa kupararira kweCovid-19 sezvo achiita kuti munhu anenge akapfeka asatapurirwe kana kutapurira vamwe utachiona hwecoronavirus.

Hurumende yakatendera veruzhinji kuti vapfeke mamasiki kunyangwe anogadzirwa mudzimba kuburikidza nekusona uye nedzimwe nzira dzakasiyana.

Danho iri rinofanira kurumbidzwa zvikuru zvichitevera kudhura kuri kuita mamasiki mumafamasi nedzimwe nzvimbo dzaanotengeswa.

Asi, kune vamwe vasiri kukoshesa nyaya yekupfeka mamasiki vachiona sedambe.

Vamwe vari kuzopfeka mamasiki mushure mekunge vaona mapurisa inove tsika yakaipa zvikuru.

Nyaya iripo haizi yekutya mapurisa asi kudzivirira utano hwako kuti usatapurirwe kana kutapurira vamwe coronavirus.

Kune vamwe zvakare vari kuita mamasiki ekufamba vakaisa muhoro vasina kuvhara muromo nemhuno kunge sikavha.

Izvi handizvo sezvo masiki ichifanira kuvhara muromo zvose nemhuno.

Panyaya yekupfeka mamasiki iyi, vakawanda havazi kukoshesawo kupfekedza vana.

Kazhinji unoona mudzimai akapfeka masiki asi akabereka mwana kumusana anenge asina kupfeka masiki izvo zvinomuisa panjodzi yekutapurirwa Covid-19.

Kozoitawo vamwe vanhu vari kungoonekwa vachingombeya-mbeya mungave mumaguta nedzimwe nzvimbo vasina chakati tsvikiti chavanenge vachifambira.

Kwete, gara kumba kana usina zvakakosha zvauri kufambira nekuti hazvizobatsiri kuzodemba watapurirwa chirwere.

Covid-19 haisi yekuita jee nayo kana tichitarisa kuuraya kwairi kuita vanhu kunyika dzinosanganisira United States uko kusvika pari zvino kwafa vanhu vanodarika 60 000 nekuda kwecoronavirus.

Chirwere ichi chatekeshera pasi rose kureva kuti hachisarudzi ganda remunhu kuti mutema here kana kuti muchena.

Ino inguva yekuti munhu wose apinde muhondo yekurwisa kupararira kweCovid-19 nekuti kana tikadaro tinokunda kupararira kwedenda iri.

Covid-19 irimo muno.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>