CHISHONA CHAKANAKA

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
Munhu asingaratidzike kuchembera anonzi (goremucheche)
Munhu anotumwa nemashoko namambo anonzi (nhume yamambo)
Munhu asingabvarure machira anonzi (muroyi)
Munhu anofambisa mashoko ekupfimbana anonzi (gwevedze)
Munhu anoendesa pfuma yekuroora anonzi (sadombo/munyayi/samutumwa)
* * *

ZVAKABVA KUVANA:
Dion Hloniphile Ndlovu ari muForm 3 paMkoba 3 High School, kuGweru akati:
Murume akafirwa nemukadzi anonzi humburukwa. (Ndizvozvo, asi izita risina kunaka uye risina hunhu. Harishandiswe sezvatinoita chirikadzi. Pfunda murume akura asi asina kuroora.)
Akazoti: Chindori chii? (Ndiyo yamunoti rin’i kana kuti mhete)
* * *

Gladman Mbiri ari muGrade 7 paChisamba Primary School, kuSakubva, kwaMutare ndokuti:
Ndidetembereiwo mutupo weMbizi. (Ona paPeji 2)
* * *

Chiedza Shumba ari muForm 5 paMashoko High School, kuBikita akabvunza kuti:
Nhunzi hadzi inonzi chii muchiShona chaicho? (Rega timbozvitsvaga)
* * *

Kudzai Nyamushamba ari muGrade 7 paMasaisai Primary School, kuWestgate, muHarare akati:
Nderipi izwi rinoreva zvakafanana najana? (Vamwe vanoti zoro/dzoro)
* * *

Silence Mwaziya uyo ari muGrade 7 Green paDavid Livingstone Primary School, muHarare ndokuti:
Murume akafirwa nemukadzi anonzi pfunda.
Akabvunza kuti: Kona (corner) inonzi chii muchiShona chedu? (Panosangana madziro kana nzira)
* * *

MIBVUNZO YESVONDO RINO:
Ndevapi vanhu vanoita zvinotevera:
1. Kunemerana
2. Kurova gusvi
3. Kugova nhumbi dzemufi
4. Kutamba chiramu
5. Kugovera vanhu minda mubhuku
* * *

Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey