CHISHONA CHAKANAKA

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected]  kana [email protected] Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Sarudza izwi rakakodzera:

  1. . . . dzihwa (fura)

(A) tura (B) bura (C) fura (D) pfura

  1. . . . nyama (vedzenga)

(A) tura (B) pepeta (C) vedzenga (D) gura

  1. . . . pamutariro (turika)

(A) pepeta (B) turika (C) kuchidzira (D) rara

  1. Kuchidzira . . . (huni)

(A) ndiro (B) rokwe (C) mutariro (D) huni

  1. Mimina . . . (mutuvi)

(A) mutuvi (B) hembe (C) mombe (D) chitsanana

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Tanisha Ndawana, Zengeza – Mwanakomana washe anonzi nevanji.

* * *

Silent Mudonhi, Form 4, Dorset Sec, Shurugwi – Ko nguva dzerukunzvikunzvi ndodzakadiiko?

* * *

Isaac Madimbire, DZ Ext – Mwanakomana washe anonzi nevanji.

* * *

Mosese Zembe Mukanya weMasvingo, Baba Takudzwa 6914, Budiriro 0773 775 788 – Nevanji.

* * *

0776 149 943 – Newanje.

* * *

Karren Chimonyo, Waterfalls – Mukunda.

ZVEKUITA:

Tiudze midziyo inoshandiswa pamabasa aya:

  1. Tinotswira mu. . .
  2. Tinokamira mukaka mu. . .
  3. Tinopepetera mu. . .
  4. Tinodyira mu. . .
  5. Tinonwa mvura ne. . .

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links