CHISHONA CHAKANAKA

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Tiudze midziyo inoshandiswa pamabasa aya:
1. Tinotswira mu. . .(duri)
2. Tinokamira mukaka mu. . .(hwedza)
3. Tinopepetera mu. . .(rusero)
4. Tinodyira mu. . .(ndiro)
5. Tinonwa mvura ne. . .(mukombe)
* * *
ZVAKABVA KUVAVERENGI:
Kumzr Mambn, Grade 6, Epworth Primary School – 1. muduri; 2 ?; 3. muchisero; 4. mundiro; 5. capu
* * *
Tafadzwa Ngandu, Mudavanhu Junior School, Mvurwi – 1. duri; 2. murusero; 3. muguchu; 4. mundiro; 5. mukomichi
* * *
Tom Lawrence, Waterfalls Mainway – 1. muduri; 2. chirongo; 3. murusero; 4. mudiro; 5. nemukombe
* * *
Niesha, Belvedere – Chaza zvinoreva kuti chinhu chinokanganisa munhu kana vanhu chere ipi zvayo nguva.
* * *
Tom Lawrence, Waterfalls, Mainway – nevanji.
* * *
Niesha, Belvedere – 1. muduri; 2. muhodzeko; 3. murusero; 4. mundiro; 5. nekomichi kana mukombe
* * *
Mai Rugare, Kwekwe, Torwood – 1. muduru; 2. mugate; 3. murusero; 4. mundiro; 5. komichi
* * *
0772 987 615 – Mwana washe anonzi nevanji ari mukomana.
* * *
Joseph Ngandu, 664 Mandindi Rd, Mvurwi – Chaza.
* * *
Bule Chdzambwa Kingsdale, Norton – 1. muduri; 2. murusero; 4. mundiro; 5. nemuromo
* * *
Praymore Maguwa, Dangamvura, Mutare – 1. Tinotswira muduri; 2. Tinokamira mukaka muchirongo; 3. Tinopepetera murusero; 4. Tinodyira mundiro;
* * *
Praymore Maguwa, Mutare – Mwanakomana washe muranda kumwe.
* * *
0779 666 109 – 1. duri; 2. dende; 3. rusero; 4. mbiya; 5. komichi
* * *
Munya Kapfura, Glen Norah A – Chaza ibasa.
* * *
ZVEKUITA:
Mhuka dziri pazasi dzinozivikanwa nemazita maviri kana kudarika. Tipewo rimwe zita remhuka idzi:
1. Twiza –
2. Hochi –
3. Ingwe –
4. Mutiro –
5. Hamba –
6. Garwe –

* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey