CHISHONA CHAKANAKA

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Mhuka dziri pazasi dzinozivikanwa nemazita maviri kana kudarika. Tipewo rimwe zita remhuka idzi:

  1. Twiza – furiramudenga
  2. Hochi – nguruve
  3. Ingwe – mbada
  4. Mutiro – gudo/bveni/dede
  5. Hamba – kamba
  6. Garwe – ngwena

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Tawanda Chtare, Boka, Dangamvura – 1. furiramudenga; 2. nguruve; 3. dindingwe; 4. gudo; 5. kamba; 6. ngwena

* * *

0783 509 004 – 1. furiramudenga; 2. njiri; 3. mbada; 4. gudo/dede/bveni; 5. kamba; 6. ngwena.

* * *

manexwacho, Mbizo – Mwana anoberekwa nembereko.

* * *

0713 328 232 – Mwana anoberekwa nembereko.

* * *

0713 328 232 – 1. twiza – furira mudenga; 2. hochi – nguruve; 3. mutiro – gudo; 4. hamba – kamba; 5. garwe – ngwena; 6. ingwe – dindingwe.

* * *

Tom Lawrence, Waterfalls Mainway – 1. furira mudenga; 2. guruve; 3. mbada; 4. gudo; 5. ngwena.

* * *

Tom Lawrence, Mainway Waterfalls – mbereko.

* * *

Tichaona Marechera paDamafalls – Chisiri tauro kana mbereko mwana anoberekwa nemusana.

* * *

0773 926 310 – Jongwe rakurisa rinonzi chii?

* * *

Tafireyi Gerry, Dangamvura, Mutare – 1. twiza – furira kudenga; 2. hochi – nguruve; 3. ingwe – mbada; 4. mutiro – gudo; 5. hamba – kamba; 6. garwe – ngwena.

* * *

Brimstone Fyah, Chitungwiza – mbereko.

* * *

ZVEKUITA:

Zadzisa mitsara inotevera:

  1. Hari yemahewu inonzi . . .
  2. Pamoto, poto inogara pa. . .
  3. Kunorasirwa dota kunonzi . . .
  4. Imba inoitirwa tsvina inonzi . . .
  5. Migoti, mipinyi zvinovezwa ne. . .

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links