CHISHONA CHAKANAKA

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
1. Chibage chakakangwa chinonzi chii? — (Maputi)
2. Chibage chinokangirwa pai — (mugango kana muchiwaya)
3. Sei maputi achinzi maputi? — (nekuti paanokangwa anoputika)
4. Tsanga dzechibage dzakafashaidzwa dzinonzi chii? — (mangai kana mungai)
5. Chibage chakafashaidzwa chikazoomeswa chinonzi chii — (mumhare)
6. Muguri wechibage chakataranga kana kuti chine mavende unonzi chii? — Daranganwa)
* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
Mazita maviri anoreva vanhu vazhinji vanenge vakaungana panzvimbo imwe chete, vakagara kana kuti vakamira vanonzi chii?
1. mh
2. ch
* * *
Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links