CHISHONA CHAKANAKA

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected] . Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Zadzisa mitsara iyi uchishandisa mazwi anotevera:

shena, munongedzo, man’a, muparavara, durunhuru

  1. Musoro wakagerwa vhudzi rose unonzi . . . (muparavara)
  2. Munwe unonongedzera unonzi . . . (munongedzo)
  3. Nzvimbo inorasirwa madota inonzi . . . (durunhuru)
  4. Kucheneruka kwemunhu asina kuzora mafuta kunonzi munhu ane . . . (shena)
  5. Kutsemuka kunoitika pasi petsoka, kunyanya kuzvitsitsinho anonzi . . . (man’a)

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Pendane Gadzema, Kandege, Chegutu, 0718 680 333 – 1. Musoro wagerwa vhudzi rose rinonzi baravara.

  1. Munwe unonongedza unonzi munongedzo.
  2. Nzvimbo inorasirwa madota inonzi gomba.
  3. Kuchenuruka kwemunhu asina kuzora mafuta kunonzi munhu ane shena.
  4. Kutsemuka kunoitika pasi petsoka, kunyanya kuzvitsitsinho anonzi man’a.

* * *

Tanisha Ndawana, Mberi Primary School, Zengeza – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

Akudzwe Mambo, Grade 3, Mutukwa Primary School, Dora Pindo, Mutare – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

Abigail Chirongo, Budiriro – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

Shellington Muchenje, Chinhoyi – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

0776 573 077 – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

Trevor Mutero, Zvimba, Murombedzi – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

Willard Mazarura, Mudzi – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

Memory Munhumutema – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

Tawananyasha Mudavanhu, Chitsvatsva, Chitungwiza – 1. Musoro wakagerwa vhudzi rose unonzi muparavara.

  1. Munwe unonongedzera unonzi munongedzo.
  2. Nzvimbo inorasirwa madota inonzi durunhuru.

4 Kucheneruka kwemunhu asina kuzora mafuta kunonzi munhu ane shena.

  1. Kutsemuka kunoita pasi petsoka, kunyanya kuzvitsitsinho anonzi man’a.

* * *

Zhuwaki N J, Buhera – 1. muparavara; 2. munongedzo; 3. durunhuru; 4. shena; 5. man’a

* * *

0775 030 594 – Kutumbura.

* * *

Chinyonga R, Kariba – Kutumbura.

* * *

Memory Rangarirai Kambamura, Rushinga via Rusambo, 0782 020 114 – Kutumburwa.

* * *

Francisca Nyaradzo Gorimbo, Pelandaba, Bulawayo – 1. mbezo; 2. guyo; 3. badza; 4. demo; 5. mugwaku

* * *

ZVEKUITA:

Shandisa mazwi ari pazasi kupindura mibvunzo inotevera:

kumona, kukurunga, kukanya/kuvhanga, musuvanzombe, kutemura

 

  1. Kusanganisa sadza nemukaka kunonzi chii?
  2. Kutimba zimusuva rakakurisa kunonzi kutimba chii?
  3. Kushandisa mugoti kusanganisa upfu nemvura kunonzi?
  4. Kushandisa mugoti kusanganisa sadza risati razopakurwa kunonzi?
  5. Kutora musuva wesadza uchiudya usina muriwo kunonzi chii?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links