CHISHONA CHAKANAKA

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected]  kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

1. Kusanganisa sadza nemukaka kunonzi kuita sei? (kukanya/kuvhanga)

2. Kutimba zimusuva rakakurisa kunonzi kutimba chii? (musuvanzombe)

3. Kushandisa mugoti kusanganisa upfu nemvura kunonzi? (kukurunga/kukodzonga)

4. Kushandisa mugoti kusanganisa sadza risati razopakurwa kunonzii? (kumona)

5. Kutora musuva wesadza uchiudya usina muriwo kunonzi kuita sei? (kutemura)

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

0779 434 094 – 1. kukanya; 2. kutimba sadza; 3. kubvuwira; 4. kuchakura; 5. kutemura.

VaPfachapfacha Claudia, Karoi 0783 132 018 – manditeya.

Maxwell Mutenga – 1. munanzwi/mugomichi;2. sadza/gobvu; 3. kurunga; 4. kumona; 5. kutetena

VaPfachapfacha Claudia, Karoi, 0783 132 018 – 1. kukanya; 2. zimusuva mhitsu; 3. kukurungira; 4. kumona; 5. kutemura

0783 719 810 – Kubviswa munzwa wakandibaya ukatyokera kunonzi kutumburwa.

Tawanda Studdy Muchairi, Form 4, St Columba’s High, Hauna, Mutasa District – 1. kurunganisa; 2. kutimba nzaumba; 3. kukurungira; 4. kumona; 5. kukatsa

Savious Torima, Grade 3, Rupiri Primary, Masvingo – 1. kukanya; 2. zimusuva nzombe; 3. kupambira; 4. kumona; 5. kutemura.

Courtney Gachira, G7, Belvedere Primary School – Mwana wembeva anonzi manditeya.

0772 640 583 – 1. kukanyira; 2. kugura musuwa; 3. kupambira; 4. kumona; 5. kutemura

Macaulay Tizwi, Grade 4 Blue, Avonlea Primary – 1. kukanya; 2. zimusuva; 3. kukurungira/kupambira; 4. kumona; 5. kutemura

Tinotenda Dambaza, Glen Norah A – Mwana wembeva anonzi manditeya.

ZVEKUITA:

1. Muswe weshiri unonzi chii?

2. Shiri inobhururuka nei?

3. Chii chinovakwa neshiri ichishandisa uswa kana tutsotso?

4. Shiri ine muririro wayo hai. . .

5. Zizi ishiri inofamba nguvai?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links