Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
1. Kusanganisa sadza nemukaka kunonzi kuita sei? (kukanya/kuvhanga)
2. Kutimba zimusuva rakakurisa kunonzi kutimba chii? (musuvanzombe)
3. Kushandisa mugoti kusanganisa upfu nemvura kunonzi? (kukurunga/kukodzonga)
4. Kushandisa mugoti kusanganisa sadza risati razopakurwa kunonzii? (kumona)
5. Kutora musuva wesadza uchiudya usina muriwo kunonzi kuita sei? (kutemura)
* * *
ZVAKABVA KUVAVERENGI:
0779 434 094 – 1. kukanya; 2. kutimba sadza; 3. kubvuwira; 4. kuchakura; 5. kutemura.
VaPfachapfacha Claudia, Karoi 0783 132 018 – manditeya.
Maxwell Mutenga – 1. munanzwi/mugomichi;2. sadza/gobvu; 3. kurunga; 4. kumona; 5. kutetena
VaPfachapfacha Claudia, Karoi, 0783 132 018 – 1. kukanya; 2. zimusuva mhitsu; 3. kukurungira; 4. kumona; 5. kutemura
0783 719 810 – Kubviswa munzwa wakandibaya ukatyokera kunonzi kutumburwa.
Tawanda Studdy Muchairi, Form 4, St Columba’s High, Hauna, Mutasa District – 1. kurunganisa; 2. kutimba nzaumba; 3. kukurungira; 4. kumona; 5. kukatsa
Savious Torima, Grade 3, Rupiri Primary, Masvingo – 1. kukanya; 2. zimusuva nzombe; 3. kupambira; 4. kumona; 5. kutemura.
Courtney Gachira, G7, Belvedere Primary School – Mwana wembeva anonzi manditeya.
0772 640 583 – 1. kukanyira; 2. kugura musuwa; 3. kupambira; 4. kumona; 5. kutemura
Macaulay Tizwi, Grade 4 Blue, Avonlea Primary – 1. kukanya; 2. zimusuva; 3. kukurungira/kupambira; 4. kumona; 5. kutemura
Tinotenda Dambaza, Glen Norah A – Mwana wembeva anonzi manditeya.
ZVEKUITA:
1. Muswe weshiri unonzi chii?
2. Shiri inobhururuka nei?
3. Chii chinovakwa neshiri ichishandisa uswa kana tutsotso?
4. Shiri ine muririro wayo hai. . .
5. Zizi ishiri inofamba nguvai?
* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.