CHISHONA CHAKANAKA

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected]  kana [email protected] Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

  1. Muswe weshiri unonzi chii? (besu)
  2. Shiri inobhururuka nei? (mapapiro)
  3. Chii chinovakwa neshiri ichishandisa uswa kana tutsotso (dendere)
  4. Shiri ine muririro wayo hai. . . (uregi)
  5. Zizi ishiri inofamba nguvai? (husiku)

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Tinodiwanashe Jerome Masikati, Giredi 3 Avondale Primary School, Avondale, Harare – 1. besu; 2. nemapapiro; 3. dendere; 4.haiuregi; 5. usiki

* * *

Jirrehl Nhira, G7, Belvedere Primary – Muswe weshiri unonzi besu.

* * *

Tanaka Huchu, Harare High – Nhengure.

* * *

Sharon Nhamo, Sakubva 2 High – 1. besu; 2. chitsaki; 3. hairegi; 4. usiku

* * *

VaPfachapfacha Claudia, Karoi – Nhengure.

* * *

Believemore Chengeta, Masvingo Vic Ranch, 0785 663 407 – 1. Muswe weshiri unonzi besu; 2. Shiri inobhururuka nemapapiro; 3. Chinovakwa neshiri idendere; 4. Shiri ine muririro wayo hairegi; 5. Zizi ishiri inofamba husiku.

* * *

VaPfachapfacha Claudia, Karoi – 1. besu; 2. nemapapiro; 3. dendere; 4. haiuregi; 5. usiku

* * *

Nomatter Foleme, Kambarami Primary School – 1. besu; 2. mapapiro; 3. dendere; 4. aihichije; 5. husiku

* * *

Tinotenda Dambaza, Glen Norah A, Chitubu – Nhengure.

* * *

0782 139 810 – 1. besu; 2. mabapiro; 3. dendere; 4. hairegi; 5. usiku

* * *

Savious Torima, Grade 3, Rupiri Primary, Masvingo – 1. besu; 2. mapapiro; 3. dendere; 4. haiuregi; 5. usiku.

* * *

Savious Torima, Grade 3, Rupiri Primary, Masvingo – Nhengure.

* * *

Maxwell Mutenga – Nhengure.

* * *

Maxwell Mutenga – 1. besu; 2. mapapiro; 3. derere; 4. haikanganwe; 5. husiku

* * *

Onismas Marufu Muchineyi Ngundu, Buhera – Shiri inozivikanwa nekuruma zizi inhengure.

* * *

0712 826 036 – 1. musuka; 2. nemapapiro; 3. dendere; 4. haiuregi; 5. husuku

* * *

Tawanda Studdy Muchairi, Form 4, St Columba’s High, Hauna, Honde Valley – 1. tsutsu; 2. nemapapiro; 3. dendere/chitsaki; 4. uregi; 5. usiku

* * *

0774 536 494 – Nhengure.

* * *

Kupakwashe Mada, Grade 5, Nyazura Primary – 1. besu; 2. mapapiro; 3. dendere; 4. hairegi; 5. usiku

* * *

Lindsay Chatyoka, Form 3, Oriel Girls High, Chisipite – 1. besu; 2. mapapiro; 3. dendere; 4. inoimba; 5. manheru

* * *

0778 603 485 – Mwana wembeva anonzi manditeya. Shiri inozivikwanwa nekuruma zizi inonzi nhengure.

* * *

0778 603 485 – Shiri inozivikanwa nekuruma zizi inonzi nhengure.

* * *

ZVEKUITA:

  1. Mvura inobuda muziso inonzi chii?
  2. Mvura inobuda mumuviri kana munhu achishanda inonzi chii?
  3. Mvura inowanikwa pahuswa mangwanani inonzi chii?
  4. Mvura yakaita semukaka une ruomba inobuda pamota kana paronda inonzi chii?
  5. Mvura inobviswa mumukaka wakakora inonzi chii?

* * *

 

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links