Chishona chakanaka

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views

Kwayedza

Vana vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected] Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

1. Kadende kanochengeterwa fodya kanonzi? – nhekwe

2. Kadende kanochengeterwa mafuta kanonzi? – chinu

3. Kadende kanoisirwa zvekudya kanonzi? – guchu

4. Kadende kanoisirwa mishonga kanonzi? – gona

5. Chimedu chedende rakaputsika chinonzi? – demhe

6. Kadende kane kaburi kadiki kekumiminisa kanonzi chii? – surudzo.

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

VaPfachapfacha Claudia, Karoi, 0783 132 018 – pakuyambuka.

* * *

Rutendo Rubende, Grade 1 St Andrews Primary School, Bocha, Marange – 1. musodzi; 2. chifundi; 3. betol; 4. urwa; 5. mutuwi

* * *

Mai Marange, Bocha, Marange – madota.

* * *

Blessing Mahanya CA, Chi-town – Kuyambuka.

* * *

Wayne Vambe, Parirewa High Sch, Domboshava – 1. zenge; 2. nhokwe; 3. chinu; 4. hozi

* * *

Maxwell Mutenga – kuyambuka/yambutso.

* * *

0772 787 628 – 1. nhekwe; 2. chinu; 3. dengu; 4?; 5. demhe; 6. mukombe

* * *

Abigirl Santhe, 7 Red Molife Primary School, Domboshava – fodya munhekwe, mafuta muchinu.

* * *

0774 602 243 – fodya munhekwe, mafuta muchinu.

* * *

0772 410 573 – 1. nhekwe; 2. chinhu

* * *

ZVEKUITA:

Sarudza izwi rakakodzera

1. Fura . . .

(A) sadza (B) dzihwa (C) misodzi (D) bhara

2. Fura . . .

(A) saga (B) rusero (C) sora (D) bhuku

3. Futidza . . .

(A) mamera (B) mari (C) ruva (D) moto

4. Pomhodza . . .

(A) gaka (B) gurwe (C) svutugadzike (D) zuva

5. Petenura . . .

(A) tambo (B) ndiro (C) rusero (D) pfihwa

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links