CHISHONA CHAKANAKA

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
1.    Kupinda nemwenje mudziva kuita sei? (kufarisa)
2.    Kumera muswe kuita sei? (kufarisa)
3.    Kubvotomoka kuita sei? (kutaura zvisina musoro)
4.    Kuomesa moyo kuita sei? (kusava netsitsi)
5.    Kudzika midzi kuita sei? (kunyatsodekara panzvimbo)
* * *

Vana vakabvunzawo nekupindura mimwe mibvunzo.

Yolanda Jackson wepaWiddecombe Primary School, kuHatfield, muHarare akabvunzawo kuti:
1. Godobori wechikadzi anonzi ani? (nyahana)
2. Mwanasikana wamambo anonzi ani? (mukunda wamambo)
3. Munda mutsva unonzi chii? (gombo)
4. Mazwi anoreva zvakafanana nekuti sando, demo, muroora, tezvara nebveni ndeapi? (nyundo, sanhu, mwenga, baba, gudo).
* * *

Steve Chiunye ari kuita Upper 6 paKotwa High School, kuMudzi akabvunza kuti:

Munhu anonzi ‘mudzviti’ anomboita nezvei? (Mudzviti mushandi mukuru weHurumende kumatunhu ekumaruwa. PachiRungu anonzi District Administrator.)
* * *

Nigel Chifetete ari muGrade 6 Blue paWiddecombe Primary School, Hatfield, muHarare ndokuti:
1. Munda wamambo unonzi chii? (unonzi zunde)
2. Chii chinonzi gura? (munda wakamborimwa)
3. Godobori rechirume rinonzi chii? (Anongori godobori asi mukadzi ndiye nyahana)
* * *

Vana munogona kutumira mibvunzo ichiperekedzwa nemifananidzo yenyu iyo yatinozobutitsa.

Share This:

Sponsored Links