CHISHONA CHAKANAKA

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Imba yekubikira:

Dzimba dzechinyakare dzaive nemidziyo yaiwanikwa madziri. Imba yekubikira yatave kuti kicheni yaive nemidziyo yakasiyana-siyana inoshandiswa imomo. Ita tsvakurudzo yekuti ndeipi midziyo nezvekushandisa zvaiwanikwa mumba yekubikira, wotaura nemabasa acho.

Semuenzaniso:

1. Mutariro – Kamuti kakasimba kanoiswa pamusoro pechoto kanosungirirwa zvekudya kuti zviome kana kuti zviite mufushwa. Nyama nyoro yaisungirirwawo ipapa kuti iite chimukuyu. Mazuva ano mitariro yave yewaya.

2. Pfihwa – Aya matombo anoiswa pachoto kuti hari dzekubikira dzigone kugara dzisingadzime moto, zviri kubikwa zvigoibva zvakanaka.

3. Chikuva – Inzvimbo yakakwirira inowanikwa mumba yekubikira nechemberi kuti kumadziro. Chikuva chinorongedzerwa midziyo yakaita sehari.

4. Chigaravakwati – Iyi inzvimbo yakavakwa yakabatana nemadziro ichigadzira pekugara kana kuti bhenji. Ndipo panogara vanhu vasiri kubika kuchoto.

5. Mugoti – chimuti chekubikisa sadza chakavezwa chichinofara kufanana nechanza chakavhurwa.

6. Musika – chimuti chakarukirwa mhiye-piye dzewaya kana twumiti twunopesana. Unoshandiswa kusika sadza kuti ribve mapundu kana kubikisa kumwe kudya senhopi.

7. Mugwaku – Unenge chipunu, asi iwo uri mukuru uye wakavezwa nemuti. Unoshandiswa kupakura sadza.

8. Rusero – Rwunoda kufanana nebhasikiti asi kuti mativi arwo haaende mudenga. Rwunoshandiswa kuisira zvinhu zvakasiyana-siyana, uyewo nepakupepeta nekuurutsa zvinhu zvakaita sezviyo.

9. Tswanda – Iri ibhasikiti asi harina mibato semabhasikiti azvino.

10. Zvirongo – Ihari dzemvura.

11. Mikombe – Chidende chidiki asi chiine mubato. Mukombe unochereswa mvura yekunwa, doro kana maheu kubva muhari.

12. Hari dzakasiyana-siyana – Hari dziri pakawanda – tsaiya, shambakodzi, chirongo, hwesa, gate, pfuko zvichienda zvakadaro.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Mazita eminda nekurima:

1. Munda usati wamborimwa, kana kuti mutsva unonzi chii?

2. Munda wave nenguva yakareba uchirimwa unonzi chii?

3. Munda unorimwa nzungu unonzi chii?

4. Munda unorimwa mupunda unonzi chii?

5. Munda wamambo unorimwa nevanhu vose unonzi chii?

6. Munda wakarega kusakurwa ukakurirwa nesora unonzi wakaita sei?

7. Ndove yemombe inoiswa mumunda inonzi chii?

8. Manyowa emashizha nezvimwe zvakaworera anonzi chii?

9. Kurima chibhakera kuita sei?

10. Chii chinonzi serima?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links