CHISHONA CHAKANAKA

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.
Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected].

Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
MuchiShona, munhu akapusa kana kuti anogaroita zvinhu zvinoratidza kunonoka kufunga, kana kusatofunga chaiko anonzi chii? Pane mazita anosvika gumi anoreva munhu akadai. Tiudze kuti ndeapi?

Zeeretsi

Fuza

Dununu

Chituta

Zungairwa

Rema

Benzi

Duutuu

Dututu

Nzukununu
* * *

MIBVUNZO YESVONDO RINO:
1. Chibage chakakangwa chinonzi chii?

2. Chibage chinokangirwa pai?

3. Sei maputi achinzi maputi?

4. Tsanga dzechibage dzakafashaidzwa dzinonzi chii?

5. Chibage chakafashaidzwa chikazoomeswa chinonzi chii?

6. Muguri wechibage chakataranga kana kuti chine mavende unonzi chii?
* * *

Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey